Mharidzo Dzokuenzanisira
Kutanga Zvidzidzo zveBhaibheri Mugovera Wokutanga Muna October
“Nhasi tiri kushanyira vavakidzani vedu kwenguva pfupi. Vakawanda vatataura navo vari kuti chimwe chinhu chakanyanya kuvaomera kufirwa nemunhu wavanoda. Ndiwo maonero enyuwo here? [Rega apindure.] Ndakaona mashoko aya achibatsira.” Muratidze peji 16 yeNharireyomurindi, yaOctober 1, uye kurukurai mashoko ari pasi pemubvunzo wokutanga, moverenga rugwaro rumwe chete kana kupfuura pane aripo. Govera magazini acho, uye ronga kuzodzoka kuti muzokurukura mubvunzo unotevera.
Nharireyomurindi October 1
“Tiri kushanya kwenguva pfupi tichikurudzira vamwe kuverenga Bhaibheri. Tinoziva kuti vamwe vanhu vanofarira Bhaibheri asi vamwe havarifariri. Imi munorifarirawo here? [Rega apindure.] Bhaibheri rinotaura mashoko aya nezvaro. [Verenga 1 VaTesaronika 2:13.] Ndine chokwadi chokuti munobvumirana neni kuti kana Bhaibheri riri bhuku rinobva kuna Mwari, zvinokosha kuti tiriverenge. Magazini ino inotsanangura muchidimbu kuti Bhaibheri rinombotaura nezvei uye nei tichifanira kurifarira.”
Awake! October
“Ndinodawo kunzwa zvamunofunga nezvomubvunzo uyu: Tinogona kugutsikana here kunyange tisina zvinhu zvakawanda zvokurarama nazvo? [Rega apindure.] Onai zvinotaurwa neBhaibheri. [Verenga 1 Timoti 6:8.] Magazini ino inoratidza maonero akanaka atinofanira kuita zvinhu zvokurarama nazvo uye inokurukura zvinhu zvitatu zvinokosha zvisingagoni kutengwa nemari.”