RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 9/14 p. 4
  • Mharidzo Dzokuenzanisira

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mharidzo Dzokuenzanisira
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2014
  • Mashoko Akafanana
  • Mharidzo Dzokuenzanisira
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2013
  • Mharidzo Dzokuenzanisira
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2011
  • Mharidzo Dzokuenzanisira
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2012
  • Mharidzo Dzokuenzanisira
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2014
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2014
km 9/14 p. 4

Mharidzo Dzokuenzanisira

Kutanga Zvidzidzo zveBhaibheri paMugovera Wokutanga Muna October

“Tiri kutaura nevavakidzani vedu kwenguva pfupi nezvehurumende yakanaka. Munofunga kuti kune hurumende inokwanisa kugadzirisa matambudziko akadai sekurwisana kwevanhu uye udzvinyiriri here?” Rega apindure. Muudze kuti muMunyengetero waShe, Jesu akadzidzisa vadzidzi vake kunyengetera vachikumbira hurumende yakadai, kureva Umambo hwaMwari huchauya. Muratidze mubvunzo wekutanga papeji 16 yeNharireyomurindi yaOctober 1, mokurukura mashoko ari pasi pemubvunzo wekutanga, uye moverenga rugwaro rumwe chete kana kupfuura pane aripo. Mupe magazini acho, uye ronga kuzodzoka kuti mukurukure mubvunzo unotevera.

Nharireyomurindi October 1

“Tiri kutaura nevavakidzani vedu kwenguva pfupi nezvemunyengetero uyu wakakurumbira waJesu waakadzidzisa vateveri vake. [Verenga Mateu 6:9, 10.] Munonzwisisa here kuti chii chinonzi Umambo hwaMwari uye kuti nei Jesu aigara achidzidzisa nezvahwo? [Rega apindure.] Magazini ino inoratidza zvinotaurwa neBhaibheri nezveUmambo hwaMwari uye zvakanaka zvahuchaita pano panyika.”

Awake! October

“Tiri kutaura nevavakidzani vedu kwenguva pfupi tichivabatsira kuona mhinduro yemubvunzo uyu. [Muratidze kavha yemagazini yacho.] Munofunga kuti munhu anofanira kunge akapfuma here kuti anzi akabudirira zvechokwadi? [Rega apindure.] Bhaibheri rinoratidza kuti tinofanira kuona sei pfuma. [Verenga Ruka 12:15.] Maererano nezvinotaurwa neBhaibheri, munhu wese anogona kubudirira zvechokwadi. Izvi zvinotsanangurwa mumagazini ino.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe