Purogiramu Itsva Yezuva Regungano Chairo
1 Nei tichifanira kuzivisa mashoko akanaka tisingaregi? Ndezvipi zviri zvinodikanwa zvokuva muparidzi wamashoko akanaka? Kunyange vanonyara kana kuti vane ruzazu vanogona sei kutanga mukugoverana mashoko akanaka navamwe? Iyi nemimwe mibvunzo inonyandura mufungo ichapindurwa mupurogiramu yezuva regungano chairo inotanga muna November, ine musoro unoti, “Vakakwaniriswa Savashumiri Vamashoko Akanaka.”—Enzanisa na2 VaK. 3:5.
2 Savanhu vaJehovha, tinofanira kungwarira mufambiro wedu. Zvakaitika zvinokurudzira zvichapiwa navanhu vaduku avo vacharondedzera nzira yavakadzivisa nayo dzvinyiriro yavaenzani. Vabereki vachagoverwa kurudziro yorudo pamusoro pedikanwo yokurovedza vana vavo savashumiri vaMwari. Tose zvedu tichabetserwa kunzwisisa kudikanwa kwokuparidza uye zvikomborero zvinouya kwose kuri kuviri kwatiri uye kuavo vanotiteerera.—1 Tim. 4:16.
3 Zvirokwazvo rubhapatidzo rwuchava chinoitika chakatanhamara chezuva racho. Chiitiko ichi chisati chaitika, hurukuro yakavakirwa paBhaibheri ichanangidzirwa zvakananga kuvanhu vachangobva kuzvitsaurira. Chokwadika, vose vachave varipo vachada kupa ngwariro yokungwarira sezvo nhau yorubhapatidzo inokurukurwa uye revo yayo inojekeswa. Vapi navapi vanoshuva kubhapatidzwa pazuva regungano chairo vanofanira kuzivisa ikoku kumutariri anotungamirira pachine nguva mberi kwazvo kuitira kuti iye agova nenguva yakakwana yokuronga kuti vakuru vahwirudzure mibvunzo yakasarudzwa navanoda kubhapatidzwa.
4 Chimwe chinoitika chakatanhamara chichava hurukuro huru ichapiwa nomukurukuri anoshanyira. Iyo ine musoro unoti, “Kukwaniriswa uye Kushongedzwa Savashumiri vaMwari.” Gadziriro ina huru idzo dzinotishongedza savashumiri dzichakurukurwa, uye hurukuro yacho ichabatanidza zvakaitika zvinovaka kutenda.
5 Ronga zvino kupinda purogiramu yose. Iva nechokwadi chokukoka vanhu vanofarira uye vadzidzi veBhaibheri kuitira kuti ivowo vagogona kubetserwa neiri zuva refundo youmwari. Muiyi nzira tinogona kuva nechokwadi chokuti “tinokwaniriswa zvakakwana” savashumiri vamashoko akanaka.