Purogiramu Itsva Yezuva Regungano Chairo
Mazuva egungano chaiwo akavamba muna 1987. Kuungana uku kunoitwa zuva rimwe chete kwabvumikisa kuva kunovaka vabatiri vaJehovha navamwe vanofarira vanenge varipo. Kuvamba naNovember 1998, kuchava nepurogiramu itsva yezuva regungano chairo. Uchawana hurukuro pfumbamwe nokubvunzurudzwa kwakawanda zvikuru nezvakaitika kune vamwe zvichibatsira mumudzimu.
“Onga Tafura yaJehovha” ndiwo musoro wepurogiramu itsva. (Isa. 65:14; 1 VaK. 10:21) Uchasimbisa chisarudzo chedu chokuti kunamata kwedu Jehovha kuve nenzvimbo yokutanga muupenyu hwedu. (Pis. 27:4) Hurukuro yomutariri wedunhu ichava nechokuita ne“Kunzvera Kwakarerekera Mwoyo Yedu” panhau yekupinda misangano. Mukurukuri anoshanyira achatiratidza nzira yo“Kuchengetedza Umudzimu Kupfurikidza Nokudya Patafura yaJehovha.” Kukurudzira kunoshanda kuchapiwawo vanhu vaduku vari musangano raJehovha kuti varambe vakabatisisa pakubatira Mwari. Hurukuro yavose yomukurukuri anoshanyira, ine musoro unoti “Vakasimbiswa Mumudzimu Kuti Vape Uchapupu Noushingi,” icharatidza kuti gadziriro dzakaitwa kupfurikidza neungano dzinotishongedzera sei kupupurira Umambo noushingi. Ndiani asingadi kubatsirwa nepurogiramu iyi?
Vachangobva kuzvitsaurira vanoshuva kubhabhatidzwa vanofanira kuzivisa mutariri anotungamirira nokukurumidza sezvinobvira. Tine chokwadi chokuti sezvatinovamba gore rechi12 rezuva chairo regungano, munhu wose anopinda achakurudzirwa mumudzimu nokuda kwebasa riri mberi.