Purogiramu Itsva yeGungano Redunhu
1 Purogiramu itsva yegungano redunhu ichavamba muna November ichakudziridza musoro unoti “Wana Mufaro Mukuru Zvikuru Mukupa.” (Mabasa 20:35) Mufaro unorondedzerwa se“mugariro wegarikano negutsikano.” Vanhu vakawanda zvikurusa nhasi vanowana mufarwa upi noupi wavanogona muupenyu, uye apo vanodaro, kazhinji kazhinji ndewechinguvana. Iwoyo hausi mufaro wechokwadi. Bva, Jehovha anotidzidzisa nzira yokuzvibetsera nayo timene nokusingaperi. (Isa. 48:17; 1 Joh. 2:17) Purogiramu itsva yegungano redunhu ichasimbisa nzira yatinogona kuwana nayo mufaro mukuru zvikuru kupfurikidza nokupa nenzira yomudzimu.
2 Tichadzidza nzira dzinoshanda umo tinogona kuzvipa nadzo timene muushumiri. Dzimwe dzehurukuro dzacho dzichapiwa nevatariri vanofambira dzine musoro unoti: “Kuita Shamwari Kupfurikidza Nepfuma Isakarurama,” “Remekedza Gadziriro Youmwari ye‘Zvipo Muvarume,’” uye “Wana Mativi Akawanda Omufaro Wechokwadi.” Avo vanoshuva kubhapatidzwa pagungano racho vachada kutaura kumutariri anotungamirira kuti agogona kuronga kuti vakuru vahwirudzure mibvunzo yorubhapatidzo navo. Kubatira Jehovha muukama hwakachena kuchaunza mufaro mukuru kuvachangobva kubhapatidzwa.
3 Kuzivikanwa kwakarurama kwechiremera chaJehovha kunounzawo mufaro wechokwadi nechengeteko. Vanhu vose vanofanira kuziva ikoku. Nokudaro, hurukuro yavose pagungano redunhu ichakudziridza musoro unoti “Batana Navanhu Vanofara vaMwari.” Iva nechokwadi chokukoka vose avo vakaratidza kufarira zvokwadi kuti vauye kuiyi hurukuro. Havana kuwana chengeteko yechokwadi nomufaro usingaperi mukutonga kwomunhu munyika ino, iyo iri musimba raSatani. (Mup. 8:9) Asi vachawana mufaro wakadini mukusonganirana navanhu vaJehovha vanofara!—Pis. 144:15b.
4 Pasinei zvapo nemamirire ezvinhu ari kuipisisa mutsika ino yezvinhu, avo vanowana mufaro mukuru zvikuru mukupa mumudzimu havasati vachizotongoodzwa mwoyo naMwari anofara. (1 Tim. 1:11) Purogiramu itsva yegungano redunhu icharatidzira ikoku kuva kwechokwadi. Usaipotsa!