Purogiramu Itsva yeGungano reDunhu
Ibetseroi dzinoshanda dzaunowana zvino kubva mukufamba naJehovha? Ungadzivisa sei muedzo wekubvumidza zvimwe zvinhu zvisiri zvoubati ushe hwaMwari zvichibvisa zvinodiwa zvoUmambo panzvimbo yokutanga muupenyu hwako? (Mat. 6:33) Unozviona zvakaoma kunzwisisa chakarurama nechakaipa munyika inoita kuti zvakaipa zviratidzike sezvakarurama here? (VaH. 5:14) Nhau idzi dzichakurukurwa kugungano redunhu, rine musoro unoti “Betserwa Zvino Nokufamba Nenzira dzaJehovha” richatanga kupera kwaOctober 1999.—Pis. 128:1.
Chinhu chitsva musi weMugovera wegungano redunhu iri chichava kuitwa kweMusangano Webasa wekuenzanisira. Mutariri wenyu wedunhu achaudza ungano nezvezvakarongwa kuitira kuti vose vazouya vakagadzirira kunzwa purogiramu zvakazara.
Chikamu chine musoro unoti “Mapiyona—Rambai Muchinyatsongwarira Kufamba Kwenyu” chichatiratidza kuti tingava sei vakachenjera nevanonzwisisa kuti titenge nguva yakafanira yeushumiri hwekupayona. (VaEf. 5:15-17) Musoro unoti “Chenjerera Nzira Dzinoita Sedzakarurama” uchatidzidzisa kuti tingava sei nechokwadi nezvinogamuchirwa naMwari muupenyu hwedu hwose. Hurukuro inoti “Kutitapura Kunoita Uprofita Hwakazadzika” ichabetsera kuzadza pfungwa dzedu nemwoyo yedu nokuda Shoko raMwari. Hurukuro yavose inoti “Nzira dzaMwari—Kubetsera Kwadzinoita!” ichasimbisa betsero dzinoshanda dzinowanika zvino nokurambira mugadziriro dzakarurama dzezvinodiwa naJehovha.
Chishuwo chako here kuratidzira pachena nokubhabhatidzwa mumvura kuti unoda kufamba nenzira dzaMwari semumwe wevabatiri vake vakazvitsaurira? Kana zvakadaro taura nemutariri anotungamirira kuitira kuti gadziriro dzakafanira dzigone kuitwa.
Sarudza kusapotsa iri gungano redunhu rakakodzera nguva. Ivapo mazuva ose maviri epurogiramu, nokuti “vakaropafadzwa vose vanotya Jehovha, vanofamba munzira dzake.”—Pis. 128:1.