Purogiramu Itsva Yegungano Redunhu
“Kuramba Muchisanoyeuka Zuva raJehovha” ndiwo musoro wepurogiramu yegungano redunhu remazuva maviri richavamba muna November. (2 Pet. 3:12) Rakagadzirirwa kunyandura pfungwa yedu yekurumidziro. Vagari vapasi nokukurumidza vachatongwa naJehovha. Ndivanaani vachapukunyuka “zuva iro guru raMwari wamasimba ose”? Avo bedzi vanoramba vakamuka mumudzimu uye vanovamba mararamire e“mufambiro . . . mutsvene nokunamata Mwari.”—Zvak. 16:14; 2 Pet. 3:11.
Kubhabhatidzwa kunokosha kuti munhu apukunyuke zuva raJehovha. (1 Pet. 3:21) Vaparidzi vanoshuva kubhabhatidzwa pagungano racho vanofanira kutaurira mutariri anotungamirira, uyo achaita gadziriro dziri madikanwa.
Hurukuro yokusiyirana yemativi mana, “Rudzi Rwevanhu Vatinofanira Kuva,” icharatidza nenzira yakajeka zviito zvinobatanidzwa mukusanoyeuka kuvapo kwezuva raJehovha. Hurukuro yavose, “Ita Nokuchenjera Sezvo Zuva raJehovha Rinoswedera,” ichatsanangura chakunoreva ku‘tsvaka Jehovha, kururama, uye unyoro,’ kuitira kuti ugova mupukunyuki.—Zef. 2:3.
Gungano redunhu richaguma nehurukuro mbiri dzinokurudzira dzichapiwa nevatariri vematunhu, dzine musoro unoti: “Upenyu Hwako Hwakavakirwa Pachokwadi Here?” uye “Kuronga Pachine Nguva Mberi Mukurangarira Zuva raJehovha.” Idzi hurukuro dzichatisunda kunzvera upenyu hwedu uye kuita gadziridzo dzipi nedzipi dzinodikanwa. Uporofita hweBhaibheri nezviitiko zvenyika nenzira yakajeka zvinoratidzira kuti zuva raJehovha rava pedyo. Iyi purogiramu yegungano ichatikurudzira ku‘muka uye kuva vakangwarira.’ (1 Pet. 5:8) Ita gadziriro chaidzo dzokupinda mazuva ose ari maviri.