RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 8/99 p. 7
  • Purogiramu Itsva Yezuva Regungano Chairo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Purogiramu Itsva Yezuva Regungano Chairo
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
  • Mashoko Akafanana
  • Purogiramu Itsva Yezuva Regungano Chairo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
  • Purogiramu Itsva Yezuva Regungano Chairo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
  • Purogiramu Itsva Yegungano Redunhu
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
  • Purogiramu Itsva Yezuva Regungano Chairo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
km 8/99 p. 7

Purogiramu Itsva Yezuva Regungano Chairo

Purogiramu yezuva regungano chairo ichatanga muna September 1999 ine musoro unoti: “Kunzvera Zvinhu Zvakadzika zvaMwari.” (1 VaK. 2:10) Zvinhui zvinokosha zvatichadzidza?

Mukutsvaka kwavo zivo, vanhu vakawanda havazorodzwi nezvavanowana. Bhaibheri rinotisimbisa, sezvicharatidzwa nemutariri wedunhu muhurukuro yake inoti “Kunzvera Shoko raMwari Kunozorodza.” Mukurukuri anoshanyira acharatidza kubatana kwakaita kunzvera zvinhu zvakadzika zvaMwari nekuparidza mashoko akanaka sezvaanokurukura mubvunzo unoti “Munoona sei Kuparidza Umambo?”

Vabereki vangabetsera sei vana vavo kuchera zvakadzika muShoko raMwari? Mazano anoshanda achapiwa muhurukuro inoti “Rovererai Shoko raMwari Muvana Venyu.” Pwere dzechiKristu dzinopesvedzerwa zvakanaka nekusonganirana nevamwe vakakura mumudzimu vari muungano. Mienzaniso yematapurirwe akanaka avanoitwa ichasimbiswa muchikamu chinoti “Pwere Dzinodzidza Kune Vakura.”

Nei tichifanira kushingairira kunzvera pfuma yomudzimu yakavanzwa panguva ino? Jehovha Muzivisi wezvakavanzika. Mukurukuri anoshanyira achatsanangura zvakaziviswa naJehovha munguva dzakare nedzamazuva ano muhurukuro inoti “Jehovha Anozivisa Zvinhu Zvakadzika Zvishoma neZvishoma.” Ichasimbisa chisarudzo chedu chokupfuurira “kunzvera zvinhu zvakadzika zvaMwari.”

Rongai zvino kuti mupinde. Avo vanoda kuratidza kuzvitsaurira kwavo kuna Jehovha nokubhabhatidzwa vanofanira kuudza mutariri anotungamirira nokukurumidza sezvinobvira. Chido chedu chemwoyo wose chokunyatsonzvera Shoko raMwari chichasimbiswa nezvatinonzwa. Saka musarega kupinda iri zuva chairo remurayiridzo wemudzimu!

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe