Purogiramu Itsva Yezuva Regungano Chairo
Musoro wepurogiramu yezuva regungano chairo wegore rebasa idzva wakavakirwa panheyo yeMagwaro yakasimba inoti: “Zviisei pasi paMwari—Dzivisai Dhiyabhorosi.” (Jak. 4:7) Iyi inhungamiro yakanaka kwazvo nokuda kwenguva ino inonetsa! Kuteerera kwatinoita mirayiro yaMwari kunoita kuti tirwisane naSatani zvakananga. Purogiramu yacho ichatidzidzisa kumira kwatingaita takasimba tichidzivisa mazano akaipa aDhiyabhorosi okuparadza kutenda. Ndeipi imwe pfuma yomudzimu yatichawana pagungano iri?
Mutariri wedunhu acharatidza kuti “Kuratidza Kuzviisa Pasi paMwari Senhengo Dzemhuri” kungasimbisa sei mhuri kukurira nhamo dzenyika. Hurukuro yokutanga yomukurukuri anoshanya pazuva racho inoti, “Zvinorehwa Nokudzivisa Dhiyabhorosi,” ichatsanangura chikonzero nei tichifanira kutora chiito chakasimba kuti tidzivise zvinangwa zvaSatani zvokutiparadza mumudzimu uye maitiro atingazviita. Zvikamu zviviri zvinonyanya kuenderana nepwere, idzo dzinofanirawo kuchenjerera mazano aDhiyabhorosi. VaKristu vakawanda zvino vava vanhu vakuru havana kuita maererano nezvishuwo zvenyika pavaiva vaduku. Tichanakidzwa nokunzwa zvimwe zvakaitika kwavari.
Vose vanoumba nzanga yevanhu vanofanira kuzviisa pasi pevane simba. Saka hurukuro yokugumisa yomukurukuri anoshanya ichasimbisa nzvimbo ina matinofanira kuratidza kuzviisa pasi paMwari: (1) kuhurumende, (2) muungano, (3) mumabasa okunyika, uye (4) mumhuri. Ipurogiramu inobatsira kwazvo!
Vaya vanoda kubhabhatidzwa pazuva regungano chairo iri vanofanira kuzivisa mutariri anotungamirira nokukurumidza sezvinobvira. Tose zvedu tinofanira kuisa chiratidzo musi wacho pakarenda yedu toronga kupinda purogiramu yegungano racho yose. Zvikomborero zvatichawana zvichagara nokusingaperi sezvatinozviisa pasi paJehovha nokusingaperi.