RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 7/00 p. 7
  • Purogiramu Itsva Yegungano Redunhu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Purogiramu Itsva Yegungano Redunhu
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
  • Mashoko Akafanana
  • Purogiramu Itsva Yegungano Redunhu
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
  • Purogiramu Itsva Yegungano Redunhu
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
  • Gungano Redunhu Rinotibatsira Kuchengetedza Ukama Hwedu naMwari
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2009
  • Purogiramu Itsva yeGungano Redunhu
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
km 7/00 p. 7

Purogiramu Itsva Yegungano Redunhu

Tinoziva kuti Jehovha Mwari anofanirwa norudo rwedu uye kuzvipira kwedu kwakazara. Zvisinei, nyika inotsvaka kutinyengedza kuti tirege kuramba tiine ukama hwedu hwapedyo naye. (Joh. 17:14) Kuti isimbise kuda kwatinoita Jehovha uye itisimbaradze kuti tidzivise zvinhu zvenyika zvinokanganisa kunamata kwedu, purogiramu itsva yegungano redunhu yegore rebasa ra2001 ichava nomusoro wokuti “Ida Mwari—Kwete Zvinhu Zvenyika.”—1 Joh. 2:15-17.

Kuda Mwari kwakadzama kunoita kuti tipupure nezvake. Kunyange zvakadaro, basa romumunda harisi nyore kuvakawanda vevanhu vaMwari. Muchikamu chinoti “Kuda Mwari Kunotikurudzira Muushumiri Hwedu,” dzidza kuti vakawanda vakakurira sei kunyara uye zvimwe zvibingamupinyi kuitira kuti vashande zvakazara mubasa iri.

Kuderera kwamararamiro enyika kunotipesvedzera sei? Hapana chichiri kushamisa pakuita zvimwe zviito zvaimbonzi zvakaipa. Hurukuro inoti “Vanoda Jehovha Vanovenga Zvakaipa” uye hurukuro yokusiyirana inoti “Zvinhu Zviri Munyika—Tinozviona Sei?” dzichasimbisa kutsunga kwedu kuramba zvido zvakaipa.

Chikoro Choushumiri Chokutonga Kunoitwa naMwari uye Musangano Webasa zvomuenzaniso zvichabatanidzwa mupurogiramu yacho, uyewo kupfupikiswa kwenyaya yeChidzidzo cheNharireyomurindi chevhiki yacho. Hurukuro yavose inoti, “Makundirwe Angaitwa Nyika Norudo Nokutenda,” ichatikurudzira kuti titevedzere Jesu pakudzivisa kudzvinyirira kwenyika. (Joh. 16:33) Iva nechokwadi chokukoka vaunodzidza navo Bhaibheri kuti vapinde. Chero upi anoda kubhabhatidzwa anofanira kuudza mutariri anotungamirira nokukurumidza sezvinobvira kuitira kuti gadziriro dzinodiwa dzigone kuitwa.

Gungano redunhu iri richaita kuti tifungisise panofanira kunyatsoratidzwa rudo rwedu kuti tive nezvikomborero zvikuru zvaJehovha. Usarasikirwa nechimwe chazvo!

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe