Zvokutaura Maererano Nemagazini
Nharireyomurindi Oct. 15
“Zvaizodei kuti pave nenyika iri nani, ine vanhu vanofara? [Rega apindure.] Munhu aedza rudzi rumwe rwehurumende pashure porumwe kuti zvinhu zvive nani. Asi cherechedzai maonero anoita Mwari nhau yacho. [Verenga Jeremia 10:23.] Nyaya ino inoratidza ‘Zvichaita Kuti Pave Nenyika Inofadza,’ ichiratidza maitikire azvichaita munguva pfupi iri kutevera.”
Mukai! Nov. 8
“Maizobvuma here kuti nhasi vanhu vanoita sevari kurarama vachinetseka zvisina kumboitika kare? [Rega apindure.] Bhaibheri rakafanotaura izvi. [Verenga 2 Timoti 3:1.] Vanhu vakawanda vanoona upenyu hwakaoma zvokuti vanorasa tariro. Magazini ino inonyatsokurudzira. Inoratidza kurwiswa kungaitwa kuora mwoyo ndokuita kuti upenyu huve hwakakodzera kurarama.”
Nharireyomurindi Nov. 1
Wataura zvinhu zvinovhiringidza zvakabuda munhau, bvunza kuti: “Nei vanhu vachiita zvinhu zvakaipa kudaro? Isu tose tinofanira kuziva chakanaka nechakaipa, asi vanhu vachiri kungoita zvinhu zvakaipa. Nei? [Apindura, verenga Zvakazarurwa 12:9.] Magazini ino inotsanangura kuzvidzivirira kwatingaita nokuchengeta hana yedu.”
Mukai! Nov. 8
“Zvimwe munobvuma kuti tinorarama munguva inoitwa chisimba. [Apindura, verenga 2 Timoti 3:3.] Kakawanda zviito ‘zvinotyisa’ zvinoitika kunyange mumhuri. Nyaya ino inoti, ‘Kubatsira Vakadzi Vanorohwa Nevarume,’ ine shoko retariro. Zvimwe mungaziva mumwe munhu wamungaikurukura naye.”