RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 10/05 p. 8
  • Zvokutaura Maererano Nemagazini

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvokutaura Maererano Nemagazini
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
  • Mashoko Akafanana
  • Zvokutaura Maererano Nemagazini
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
  • Zvokutaura Maererano Nemagazini
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
  • Zvokutaura Maererano Nemagazini
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
  • Zvokutaura Maererano Nemagazini
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
km 10/05 p. 8

Zvokutaura Maererano Nemagazini

Nharireyomurindi Oct. 1

Verenga mubvunzo uri pabutiro. Zvadaro bvunza kuti: “Munoziva here kuti chiratidzo chipi chiri kurehwa pano? [Rega apindure. Zvadaro verenga Mateu 24:3.] Magazini ino yeNharireyomurindi inokurukura zvinhu zvishanu zvechiratidzo ichocho yotsanangura kuti nei tichifanira kuchiziva.” Muratidze bhokisi riri papeji 6.

Awake! Oct. 8

“Kunwa doro zvisina mwero kunokonzera matambudziko asingaperi. Magazini ino inoratidza kukanganisa muviri kunoita doro. [Muratidze mufananidzo uri papeji 7.] Nyaya idzi dzinotaura kuti munhu angarega sei udhakwa uye kuti vamwe vangabatsira sei.”

Nharireyomurindi Oct. 15

“Vanhu vakawanda vanoona dzidzo somusimboti wokubudirira muupenyu. Munofunga kuti pane imwe dzidzo ingabatsira mumwe kuti ave munhu ari nani uye agone kukurira zvinetso zvoupenyu here? [Rega apindure. Zvadaro verenga VaRoma 12:2.] Magazini ino inotaura kuti tingabatsirwa sei nedzidzo yakanaka kupfuura dzose.”

Awake! Oct. 22

“Vanhu vakawanda vanonakidzwa nokuverenga pepanhau anenge mazuva ose. Munofunga kuti tingavimba nemashoko anobudiswa mumapepanhau here? [Rega apindure.] Awake! ino inopa mazano okubatsirwa kwatinoitwa nokuverenga pepanhau. Inoratidzawo kuti nei tichifanira kungwarira.” Verenga Zvirevo 14:15.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe