Zvokutaura Maererano Nemagazini
Nharireyomurindi Oct. 15
“Sezvo Mwari ari kudenga, vamwe vanogumisa kuti hazvibviri kumuziva. Makambofungawo saizvozvo here? [Rega apindure. Zvadaro verenga Johani 17:3.] Magazini ino inotsanangura kuti tingawana sei zivo pamusoro paMwari.”
Awake! Oct.
“Vakawanda vedu takafirwa nevanhu vatinoda. Munofunga kuti pane zvatingaita here kuti tivabatsire kunyange vatofa? [Rega apindure.] Nyaya ino inotipa mhinduro yomubvunzo iwoyo kubva muBhaibheri. Inotaurawo nezvechipikirwa ichi chinonyaradza.” Verenga Johani 5:28, 29. Zvadaro muratidze nyaya inotangira papeji 10.
Nharireyomurindi Nov. 1
“Pane pfungwa dzakawanda dzakasiyana-siyana pakurera vana nhasi. Munofunga kuti zvinobvira here kuti vabereki vawane mazano akavimbika? [Rega apindure. Zvadaro verenga Pisarema 32:8.] Magazini ino inotaura nezvemirayiridzo inobatsira inobva muBhaibheri pakurera vana.”
Awake! Nov.
“Makambofungawo here nezvokuti nei kuine kutambura kuzhinji kana kuina Mwari ane rudo, anoruramisira, uye ane simba? [Rega apindure.] Onai zvinotaura rugwaro runo nezvezvinokonzera kutambura. [Verenga 1 Johani 5:19.] Magazini ino inotsanangura kubva muBhaibheri zviri kuitwa naMwari kuti abvise kutambura.”