Zvokutaura Maererano Nemagazini
Nharireyomurindi Oct. 15
“Mungatsanangurira sei vana kana kuti vamwe vanhu nei zvinhu zvakaipa zvakawanda kudai zvichiitika nhasi? [Rega apindure.] Bhaibheri rinopindura mubvunzo wokuti, ‘Ndiani Anokonzera Zvakaipa Zvose?’ [Verenga 1 Johani 5:19.] Magazini iyi yeNharireyomurindi ichakubatsirai kunzwisisa kuti wakaipa iyeye ndiani uye kuti tingamushora sei.”
Mukai! Nov. 8
“Munofunga kuti minyengetero yevatungamiriri vechitendero kana kuti yomumwe munhuwo ingaunza rugare rwenyika here? [Rega apindure.] Bhaibheri rinopikira nguva apo pasi pose pachava norugare. [Verenga Isaya 9:6, 7.] Maona here kuti mumwe mutongi chaiye achaunza rugare panyika? Magazini iyi yeMukai! inoratidza kuti mutongi iyeye ndiani uye kuti achaunza sei rugare rwechokwadi.”
Nharireyomurindi Nov. 1
“Vakawanda vedu tinoedza kuva noukama hwakanaka nevamwe. Asi zvimwe mungabvuma kuti zviri nyore kutaura pane kuzviita. [Rega apindure.] Bhaibheri rinotsanangura kuti nei izvi zvakadaro. [Verenga Jakobho 3:2.] Nyaya iyi inoratidza kuti kukumbira ruregerero kungava sei nzira yokudzorera rugare uye kuita kuti rurambe ruripo.”
Mukai! Nov. 8
“Uprofita hweBhaibheri hunoratidza kuti nguva iri kuuya pakuchava kusina anoti, ‘Ndinorwara.’ [Verenga Isaya 33:24.] Izvozvo hazvisi zvinhu zvinofadza zvikuru here? [Rega apindure.] Zvisinei, nhasi vanhu vanotambura nehosha dzakawanda, kusanganisira mukondombera weAIDS. Magazini iyi yeMukai! inopindura mubvunzo wokuti, AIDS ichazombopedzwa here?”