Zvokutaura Maererano Nemagazini
Nharireyomurindi Mar. 15
“Munobvuma here kuti vatungamiriri vakanaka vangagona kuita kuti pasi rino rive nzvimbo iri nani yokugara? [Rega apindure.] Ndapota onai zvinopikirwa neBhaibheri. [Verenga Pisarema 37:11.] Tinogona kuva norugare rwakadaro, urwo ruchavapo zvechokwadi kana Mutungamiriri akanaka avapo uyo anoziviswa munyaya idzi.”
Mukai! Apr. 8
“Kudengenyeka kwepasi kunogona kukonzera nzufu dzisingaverengeki uye kunoparadza. Vanopona vacho vanowanzosara vasina pokugara, vasina zvavangaita kuti vagadzirise zvinhu. Magazini iyi yeMukai! inoratidza kuti vanhu vakakwanisa sei kupfuurira kurarama pashure pokudengenyeka kwepasi. Inotsanangurawo kubatana kunoita kudengenyeka kwepasi nouprofita hweBhaibheri hunokosha.”
Nharireyomurindi Apr. 1
“Regai ndikuudzei pfungwa inonyevenutsa mwoyo iri muBhaibheri. [Verenga Mateu 22:37.] Munofunga kuti izvozvo zvinorevei? [Rega apindure.] Onai nyaya ino inoti, ‘Tsvaka Mwari Nomwoyo Wako Nepfungwa.’ Kutenda kwechokwadi kunofanira kubva pamwoyo chete here, kana kuti kunofanirawo kusanganisira pfungwa? Mhinduro yacho inonzwisisika.”
Mukai! Apr. 8
“Sezvamunoziva, kutarisira mhuri kwakaoma mazuva ano, uye kuva amai ibasa gukutu. Magazini iyi yeMukai! ine nyaya inofadza pamusoro unoti ‘Kuva Amai—Unofanira Kuva Nyanzvi Chaiyo Here?’ Ndingada kukusiyirai magazini ino.”