Zvokutaura Maererano Nemagazini
Nharireyomurindi June 15
“Munofunga kuti tichazomboona kupera kwezvinetso zvakaita seizvi here? [Verenga mashoko okutanga enyaya yokutanga, uye rega apindure.] Shoko raMwari rakafuridzirwa rinotivimbisa kuti zvinetso zvakadaro zvichapera munguva pfupi iri kutevera. [Verenga Pisarema 72:12-14.] Magazini iyi yeNharireyomurindi inotsanangura kuti izvozvi zvichapedzwa sei.”
Mukai! July 8
“Munofunga kuti munhu wose ari pasi pano achazombowana rusununguko chairwo here? [Rega apindure.] Onai chipikirwa chaMwari ichi chakaisvonaka. [Verenga VaRoma 8:21.] Kuti chipikirwa ichocho chiitike, uranda hwose hunofanira kupera, handizvo here? Magazini iyi yeMukai! inoratidza maperero ahuchaita.”
Nharireyomurindi July 1
“Mamiriyoni evanhu anoshandisa zvifananidzo kana kuti zvidhori pakunamata kwawo, nepo mamwe mamiriyoni achifunga kuti kuita kudaro kwakaipa. Makambofunga here kuti Mwari anoti kudii? [Rega apindure.] Zvadaro verenga Johani 4:24.] Nyaya idzi dzinoratidza matangiro akaita kushandiswa kwezvidhori uye zvinotaura Bhaibheri maererano nokunamata zvifananidzo.”
Mukai! July 8
“Bhaibheri rakaprofita kuti kwaizova nenguva dzakaoma mumazuva okupedzisira. [Verenga 2 Timoti 3:1, 3.] Pasi pose, kuwanda kwemhosva kunopupurira izvi. Zvinhu zvaizodai zvakaipisisa zvikuru kudai pasina mapurisa! Magazini iyi yeMukai! inotaura zvinetso zvinosangana nemapurisa pasi pose.”