Zvokutaura Maererano Nemagazini
Nharireyomurindi June 15
“Munofunga kuti zvinobvira here kuti tifare pasinei nezvinetso zvatinosangana nazvo? [Rega apindure.] Magazini ino inotiudza kwatingawana mazano angatibatsira kubudirira pakutarisana nezvinetso zvoupenyu. Inotsanangurawo nezvetariro yechokwadi inosimbisa.” Verenga Zvakazarurwa 21:3, 4.
Awake! June
“Hamubvumi here kuti njodzi dzichangobva kuitika dzakaratidza kukosha kwokuteerera nyevero? [Rega apindure.] Nyaya ino inokurukura zvakadzidzwa nevakapona panjodzi yeHurricane Katrina. Inotaurawo nyevero yatinofanira kuteerera tose nhasi.” Muratidze nyaya inotangira papeji 14.
Nharireyomurindi July 1
“Munyika yanhasi yakazara nezvinetso, vanhu vakawanda vanobvunza kuti: ‘Nei upenyu hwakazara nezvinetso kudai? Kana Mwari ariko, nei asingaiti chimwe chinhu kuti agumise kutambura?’ Makambofunga nezvazvo here? [Rega apindure.] Magazini ino inopa mhinhuro dzomuBhaibheri dzakajeka kumibvunzo iyoyo.” Verenga 2 Timoti 3:16.
Awake! July
“Nhasi mhuri dzakawanda dziri kushushikana. Munofunga kuti vakaroorana vanogona kubatsirwa nokushandisa zano iri rakafuridzirwa here? [Verenga VaEfeso 4:32. Zvadaro rega apindure.] Magazini ino yeAwake! inotaura zvinodzidziswa neBhaibheri zvave nenguva zvichishandiswa zvinogona kutibatsira kuti tive nemhuri inofara.”