Purogiramu Itsva Yezuva Regungano Chairo
1 Nepo vezvenhau uye vanodzidzisa zvokunyika vachirumbidza pfuma, Shoko raMwari rinotikurudzira kuti ‘Ivai Vapfumi Pamabasa Akanaka Kwazvo.’ (1 Tim. 6:18) Ndiwo musoro wepurogiramu yezuva regungano chairo richatanga muna September 2002. Tichawana kurudziroi pagungano iri?
2 Mutariri wedunhu achakurukura zvazvinoreva kuti “Ivai Vapfumi Mukuona kwaMwari,” uye achabvunzurudza vamwe vari kushanda zvakaoma kuti vawane pfuma yomudzimu. Muhurukuro yake yokutanga yezuva racho, mukurukuri anoshanya acharatidza kuti vanhu vaMwari vari kuita sei “Mabasa Akanaka Kwazvo Munguva Ino Yokukohwa.” Tose zvedu tichakurudzirwa kuona kuti tingawedzera sei kushanda zvakazara mubasa rokukohwa rakagadzwa naMwari riri kuitwa nhasi.
3 Tinodada zvikuru patinoona pwere dzechiKristu dzichitsvaka pfuma yomudzimu! Izvi zvinopa mbiri kuna Jehovha uye zvinobatsira pwere kuisa nheyo yakanaka kwazvo nokuda kweropafadzo dzebasa munguva yemberi. Hurukuro inoti “Kurumbidza Pwere Nokuda Kwemabasa Akanaka Kwazvo Adzinoita Mukupa Mbiri Kuna Jehovha” icharatidza mabasa akaisvonaka ave achiitwa muungano nevaKristu vaduku.
4 Kuita mabasa akaisvonaka kunoguma nei? Mukurukuri anoshanya achakurukura izvi muhurukuro yake yokupedzisira, inoti “Rambai Muchiita Mabasa Akanaka Kwazvo Mukohwe Zvikomborero zvaJehovha.” Achakurukura nharaunda ina matinokohwa zvikomborero zvakawanda: (1) somunhu mumwe nomumwe, (2) semhuri, (3) seungano, uye (4) sesangano repasi pose.
5 Vaya vakazvitsaurira kuna Jehovha vachava nomukana wokubhabhatidzwa. Kana wagadzirira kutora nhano iyoyo, zivisa mutariri anotungamirira izvozvi.
6 Kana musi wegungano romunharaunda yenyu waziviswa, kurumidza kuita zvirongwa chaizvo zvokuti upinde. Edza kusvika nokukurumidza kuti uvepo parwiyo rwokutanga nomunyengetero. Kuvapo uye kunyatsoteerera purogiramu yose yezuva regungano chairo kuchatisimbisa kuramba tichitevera nzira ichatiita kuti tive vapfumi mukuona kwaMwari wedu, Jehovha.