Zvokutaura Maererano Nemagazini
Nharireyomurindi May 1
“Pane mimwe mibvunzo isingagoni kupindurwa nevanhu. Onai muenzaniso uyu. [Verenga Jobho 21:7.] Makambova nomubvunzo wamaida kubvunza Mwari here? [Rega apindure.] Magazini iyi inotsanangura kuti vanhu kumativi ose enyika vakawana sei mhinduro dzinogutsa dzemibvunzo mitatu youpenyu inonyanya kukosha.”
Mukai! May 8
“Vakawanda vedu tinoziva mumwe munhu ane chirwere cheshuga. Munoziva zvakawanda nezvechirwere ichi here? [Muratidze butiro remagazini yacho, uye rega apindure.] Magazini iyi inoongorora zvinokonzera chirwere cheshuga uye marapirwe acho. Inotaurawo chipikirwa cheBhaibheri chokurapa zvachose hosha dzose.” Gumisa nokuverenga Isaya 33:24.
Nharireyomurindi May 15
“Zuva nezuva tinonzwa nyaya dzemhirizhonga. Munofunga kuti zvinhu zvakadaro zvaimbovapo kare here? [Rega apindure.] Onai zvinotaura Bhaibheri. [Verenga Mateu 24:37.] Mazuva aNoa akanga akaipa zvikuru zvokuti Mwari akatsvaira vose kunze kwaNoa nemhuri yake. Magazini iyi inoratidza kuti zviitiko izvozvo zvine zvazvinoreva zvikuru kwatiri sei nhasi.”
Mukai! June 8
“Mazuva ano, chirwere chinoparadzirwa nezvipembenene ndechimwe chengozi dzakawanda dziripo kuutano hwedu. Maiziva here kuti pane matanho atingatora kuti tizvidzivirire? [Rega apindure.] Magazini iyi inotaura nezvematanho aya, uyewo chipikirwa cheBhaibheri chenguva apo kuchange kusisina kurwara.” Gumisa nokuverenga Isaya 33:24.