Zvokutaura Maererano Nemagazini
Nharireyomurindi June 1
“Mishumo yokusatarisirwa zvakanaka kwemari dzemipiro yakakonzera kuti vamwe vanetseke kana kuri kuchenjera kupa mari kumasangano anoyamura. Asi, pane vanhu vakawanda kwazvo vanoshayiwa. Munofunga kuti chii chingaitwa? [Rega apindure. Zvadaro verenga VaHebheru 13:16.] Magazini iyi inotsanangura rudzi rwokupa runofadza Mwari.”
Mukai! June 8
“Zvinoita sokuti vanhu nhasi havakoshesi tsika dzakanaka uye kuzvibata sezvavaiita mumakore akapfuura. Makaona izvozvo zviri zvechokwadi here? [Rega apindure.] Zvinofadza kuti Bhaibheri rakafanotaura izvi. [Verenga 2 Timoti 3:1-5.] Magazini iyi yeMukai! inotaura chikonzero nei tsika dzevanhu dziri kuchinja uye kuti nguva yemberi yakadini.”
Nharireyomurindi June 15
“Vamwe vanhu vanofunga kuti Jesu aiva munhu mukuru zvikuru munhau. Vamwe havana chokwadi kana akatomborarama. Munofunga kuti zvine basa here zvatinodavira pamusoro pake? [Apindura, verenga Mabasa 4:12.] Uchapupu hupi huripo hwokuti Jesu akanyatsofamba pasi pano? Magazini iyi inoongorora mubvunzo iwoyo.”
Mukai! July 8
“Vanhu vakawanda vane hanya nemhoteredzo. Munofunga zvichazobvira here kuchengetedza masango enyika anogara achinaya mvura? [Rega apindure.] Magazini iyi inorondedzera kuedza kuri kuitwa izvozvi kuchengetedza masango anogara achinaya mvura. Inotaurawo kuti chipikirwa ichi chakaisvonaka chinobva kuna Mwari chichazadzika sei.” Verenga Isaya 11:9.