Zvokutaura Maererano Nemagazini
Nharireyomurindi May 1
“Kana mumwe munhu watinoda akafa, zviri muropa kuti tinzwe tichida kuzomuonazve. Handizvo here? [Rega apindure.] Vakawanda vakanyaradzwa nechipikirwa cheBhaibheri chorumuko. [Verenga Johani 5:28, 29.] Magazini ino inotaura kuti rumuko ruchaitika rini uye kuti ndivanaani chaizvoizvo vachabatsirwa narwo.”
Awake! May 8
“Vabereki vakawanda vanosarudza zvavanoda kuti vana vavo vaone. Zvave zvakaoma here kutsvaka mafirimu akakodzera mhuri yenyu? [Rega apindure. Zvadaro verenga VaEfeso 4:17.] Magazini ino inotaura kuti vabereki vangabatsira sei vana vavo kusarudza zvinhu zvakanaka zvinovaraidza.”
Nharireyomurindi May 15
“Munofunga kuti tichazombofa takaona nyika isina urombo here? [Rega apindure.] Onai zvinopikirwa naMwari. [Verenga Isaya 65:21.] Magazini ino yeNharireyomurindi inokurukura kuti chipikirwa ichi chichazadzika sei.” Ronga kudzoka kuti uzopindura mubvunzo uyu: Kuchinja uku kwakapikirwa kuchaitika rini?
Awake! May 22
“Vanhu vakawanda vakanzwa kuti kurovedza muviri kunokosha kuti munhu ave noutano hwakanaka, asi vakawanda vanobvuma kuti havarovedzi muviri zvakakwana. Handizvo here? [Rega apindure.] Magazini ino inoongorora zvakanakira kurovedza muviri nguva dzose uye inotipa mazano atingashandisa kuti tirovedze muviri muupenyu hwedu hune zvizhinji zvokuita.”