Zvokutaura Maererano Nemagazini
Nharireyomurindi Oct. 1
“Makambobvunza here kuti, ‘Kana Mwari aine rudo uye aine simba rose, nei asingadziviriri vaya vari kutambura?’ [Rega apindure.] Nokukurumidza achagumisa zvinetso zvose. [Verenga Isaya 65:17.] Panguva ino, Mwari haasi kungotarisa asina hanya patinotambura, sezvinoratidzwa nemagazini iyi.”
Mukai! Oct. 8
“Makanzwa here kuti varimi vakawanda vari kuona zvakaoma kuramba vachirima zvokurarama nazvo? [Rega apindure.] Magazini iyi yeMukai! inotaura nezvechinetso ichi uyewo chipikirwa cheBhaibheri chenguva iri nani iri mberi. [Verenga Pisarema 72:16.] Pandichadzoka, ndinoda kuzotsanangura kuti Mwari achaita sei izvi.”
Nharireyomurindi Oct. 15
“Zvisarudzo zvakawanda zvatinotarisana nazvo zvine migumisiro inosvika kure muupenyu hwedu. Chii chingatibatsira kunzvenga kuita zvisarudzo zvisina kuchenjera? [Rega apindure. Zvadaro verenga Zvirevo 3:6.] Magazini iyi yeNharireyomurindi inopa nhungamiro shanu dzinobva muBhaibheri idzo dzingatibatsira pakuita zvisarudzo zvokuchenjera.”
Mukai! Nov. 8
“Makaona here kuti tiri kuramba tichinzwa nezvoutachiona husingarapiki nomushonga? [Rega apindure.] Magazini iyi inoongorora zvikonzero zveizvi uye inotaura zvatingaita kuti tizvidzivirire. Inotaurawo chipikirwa cheBhaibheri chenyika musina munhu achati ndinorwara.” Verenga Isaya 33:24.