Zvokutaura Maererano Nemagazini
Nharireyomurindi Feb. 1
“Vakawanda vedu tinoedza kutarisira utano hwedu. Zvisinei, kuongorora kwemazuva ano kunoratidza kuti kugara kwedu zvakanaka kune chokuitawo nokunamata kwedu. Munofunga kuti izvi zvinobvira here? [Rega apindure. Zvadaro verenga Mateu 5:3.] Magazini iyi yeNharireyomurindi inotaura kuti tingagutsa sei zvatinoda pakunamata.”
Mukai! Feb. 8
“Vazhinji nhasi vane zvakawanda zvokuita muupenyu zvokuti zvingavabatsira kana vakambowana nguva yokuzorora. Zvichida ungabvumirana nemashoko aya akanyorwa makore 3 000 adarika. [Verenga Muparidzi 4:6. Zvadaro rega apindure.] Magazini iyi yeMukai! ine mashoko anobatsira kuti tingaziva sei kuti tine chikwereti chehope uye tingakurira sei chinetso chacho.”
Nharireyomurindi Feb. 15
“Vanhu vakawanda vanonetseka nezvinhu zvakaipa zvave zvichiitwa muzita rechitendero. Vamwe vanofunga kuti chitendero ndicho chinokonzera zvinetso zvevanhu. Makambofunga nezveizvi here? [Rega apindure. Zvadaro verenga Zvakazarurwa 18:24.] Magazini iyi inotaura zvinotaurwa neBhaibheri panhau iyi.”
Mukai! Mar. 8
“Vanhu vakawanda vanofarira kudzidza nezvemhuka, uye vamwe vanofarira kuva nadzo sezvipfuwo zvinotambwa nazvo. [Rega ataure.] Magazini iyi inotaura zvimwe zvezvinetso zvokuva nechipfuwo chinotambwa nacho. Inotsanangurawo chipikirwa chaMwari chenguva apo mhuka dzose dzichava murugare idzo pachadzo uye nevanhu.” Verenga Isaya 11:6-9.