Zvokutaura Maererano Nemagazini
Nharireyomurindi Feb. 1
“Hazvivhiringidzi here kuti vanhu vakawanda kwazvo nhasi vanodzvinyirirwa uye vanoitirwa chisimba? [Taura muenzaniso wemazuva ano unozivikanwa munharaunda, uye rega apindure.] Magazini ino inotaura kuti Mwari anoona sei upenyu. Inotsanangurawo kuti achatinunura sei pakutambura kuripo nhasi.” Verenga Pisarema 72:12-14.
Awake! Feb. 8
“Chimwe chinetso chikuru chatinotarisana nacho nhasi ndechokurarama tichishushikana mupfungwa. Hamubvumirani nazvo here? [Rega apindure.] Bhaibheri rakafanotaura zvakarurama kuti izvi ndizvo zvaizoitika. [Verenga 2 Timoti 3:1.] Magazini ino inopa mazano anoshanda angakubatsirai imi nemhuri yenyu kuti mukurire kushushikana mupfungwa.”
Nharireyomurindi Feb. 15
“Tinombonzwa zvichinzi pane chishamiso chakaitika. [Taura muenzaniso.] Vamwe vanhu vanodavira izvi. Vamwe havana chokwadi nazvo. Magazini ino inotaura kana zvishamiso zvinotaurwa nezvazvo muBhaibheri zvakaitika chaizvoizvo uye kana zvinhu zvakadaro zvichiri kuitika nhasi.” Verenga Jeremia 32:21.
Awake! Feb. 22
“Makare kare, Mwari akarayira kuti vana vakudze amai vavo uyewo baba vavo. [Verenga Eksodho 20:12.] Munofunga kuti vanaamai vari kunyatsokudzwa here mazuva ano? [Rega apindure.] Magazini ino inoongorora zvinetso izvo vanaamai munyika dzakasiyana-siyana vari kusangana nazvo uye kuti vari kurarama nazvo sei.”