KURARAMA KWECHIKRISTU
Uri Kubatsirwa neKuongorora Magwaro Zuva Nezuva Here?
Purogiramu yako yezvekunamata inosanganisira kuverenga rugwaro uye mashoko anotsanangura rugwaro rwacho zviri mukabhuku keKuongorora Magwaro Zuva Nezuva here? Kana zvisina kudaro, unogona kuzviisa mupurogiramu yako here? Vakawanda vanoverenga rugwaro rwezuva mangwanani kuitira kuti vafunge nezvemashoko acho pavanenge vachiita zvimwe zvinhu mukati mezuva. (Jos 1:8; Pis 119:97) Ungaita sei kuti uwedzere kubatsirwa nerugwaro rwacho? Verenga mamwe mavhesi ari pedyo kuti unzwisise nyaya yacho. Edza kufunga nezvenyaya iri muBhaibheri inoratidza kushanda kwezano riri murugwaro rwacho. Shandisa zano racho muupenyu hwako. Paunoshandisa zviri muShoko raMwari pakuita zvisarudzo, richakutungamirira muupenyu hwako uye richanyatsokubatsira.—Pis 119:105.
Mhuri dzeBheteri pasi rese dzinokurukura Kuongorora Magwaro Zuva Nezuva mangwanani vasati vatanga basa. Mumakore achangopfuura, dzakawanda dzehurukuro dzeKunamata Kwemangwanani uku dzakaiswa pachikamu cheJW Broadcasting® chakanzi MAPROGIRAMU UYE ZVINOITIKA ZVAKARONGWA. Wakapedzisira rini kuteerera hurukuro idzi? Zvimwe mashoko arimo anenge ari iwo achakubatsira panguva iyoyo. Semuenzaniso, nyaya yaRoti ingakubatsira sei pakuita zvisarudzo?
ONA VHIDHIYO INONZI MUSADA NYIKA (1JO 2:15), WOZOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA:
Ndingaratidza sei kuti ndinokoshesa zvinotaurwa naJehovha zuva nezuva?