RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 4/09 p. 8
  • Zvokutaura Maererano Nemagazini

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvokutaura Maererano Nemagazini
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2009
  • Mashoko Akafanana
  • Zvokutaura Maererano Nemagazini
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2010
  • Zvokutaura Maererano Nemagazini
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2010
  • Zvokutaura Maererano Nemagazini
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2009
  • Zvokutaura Maererano neMagazini
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2010
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2009
km 4/09 p. 8

Zvokutaura Maererano Nemagazini

Nharireyomurindi April 1

“Vamwe vanhu vanotenda kuti ramangwana redu rakafanorongwa, vamwe vachifunga kuti tisu tinozvisarudzira zvichaitika. Munofungei? [Rega apindure.] Onai mashoko aya anofadza. [Verenga Muparidzi 9:11.] Nyaya ino inokurukura mhinduro yeBhaibheri yomubvunzo unoti, ‘Upenyu Hwedu Hwakafanorongwa Here?’” Muratidze nyaya inotangira papeji 26.

Awake! April

“Vanhu vakaroorana vakawanda vanopedzisira varambana pamusana pokusavimbika. Munofunga kuti kushandisa vhesi iyi kungabatsira here kuti vasarambana? [Verenga Mateu 5:28. Wobva wamurega kuti apindure.] Nyaya ino inoshandisa Bhaibheri kubatsira vanhu vakaroorana kuti vasabatwa nomusungo wokusavimbika.” Muratidze nyaya inotangira papeji 28.

Nharireyomurindi May 1

“Munofunga kuti chii chingaita kuti zviomere munhu kutenda muna Mwari? [Rega apindure.] Maererano nevhesi ino, kutenda kunokosha. [Verenga VaHebheru 11:6.] Magazini ino inokurukura matanho mana atingatora kuti tisimbise kutenda kwedu.”

Awake! May

“Vanhu vakawanda mazuva ano vari kushandisa zvisina kukodzera mapiritsi avanenge vanyorerwa nachiremba. Munofunga kuti chikonzero chacho ndechei? [Rega apindure.] Bhaibheri rinotaura chikonzero chimwe chete chikuru, kunyanya kuvana. [Verenga Zvirevo 13:20.] Magazini ino inokurukura kuzvidzivirira kwamungaita nemhuri yenyu padambudziko iri.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe