Zvokutaura Maererano Nemagazini
Nharireyomurindi April 1
“Vamwe vanhu vanotenda kuti ramangwana redu rakafanorongwa, vamwe vachifunga kuti tisu tinozvisarudzira zvichaitika. Munofungei? [Rega apindure.] Onai mashoko aya anofadza. [Verenga Muparidzi 9:11.] Nyaya ino inokurukura mhinduro yeBhaibheri yomubvunzo unoti, ‘Upenyu Hwedu Hwakafanorongwa Here?’” Muratidze nyaya inotangira papeji 26.
Awake! April
“Vanhu vakaroorana vakawanda vanopedzisira varambana pamusana pokusavimbika. Munofunga kuti kushandisa vhesi iyi kungabatsira here kuti vasarambana? [Verenga Mateu 5:28. Wobva wamurega kuti apindure.] Nyaya ino inoshandisa Bhaibheri kubatsira vanhu vakaroorana kuti vasabatwa nomusungo wokusavimbika.” Muratidze nyaya inotangira papeji 28.
Nharireyomurindi May 1
“Munofunga kuti chii chingaita kuti zviomere munhu kutenda muna Mwari? [Rega apindure.] Maererano nevhesi ino, kutenda kunokosha. [Verenga VaHebheru 11:6.] Magazini ino inokurukura matanho mana atingatora kuti tisimbise kutenda kwedu.”
Awake! May
“Vanhu vakawanda mazuva ano vari kushandisa zvisina kukodzera mapiritsi avanenge vanyorerwa nachiremba. Munofunga kuti chikonzero chacho ndechei? [Rega apindure.] Bhaibheri rinotaura chikonzero chimwe chete chikuru, kunyanya kuvana. [Verenga Zvirevo 13:20.] Magazini ino inokurukura kuzvidzivirira kwamungaita nemhuri yenyu padambudziko iri.”