Purogiramu Itsva Yegungano Redunhu
Nyika ingada kuti tifunge kuti mamiriro ezvinhu epanguva ino acharamba aripo. Zvisinei, Shoko raMwari haritiudzi izvozvo. (1 Joh. 2:15-17) Rinotibatsira kuti tinzwisise kuti ‘kuunganidza pfuma panyika’ hakuna maturo. Kuti vanhu vaMwari vasimbiswe, purogiramu yegungano redunhu yegore rebasa ra2007 ichava nomusoro unoti “Zviunganidzirei Pfuma Kudenga.”—Mat. 6:19, 20.
Kunyanya kufunga zvinhu zvenyama kunobatanidzwa mune zvinotaurwa pana VaEfeso 2:2 se“simba remhepo, iwo mafungiro anoshanda zvino muvanakomana vasingateereri.” Semhepo iri kwose kwose, ichangomirira kufemwa, saka “mudzimu wenyika” wakazara mumamiriro ezvinhu epanguva ino. (1 VaK. 2:12) Sezvo uchifurira vanhu chaizvo, unonzi une “simba.” Purogiramu itsva yegungano redunhu ichatibatsira kuti tisava nemafungiro enyika okunyanya kuda pfuma toramba tichifunga zvinhu zvinokosha. (Mat. 6:33) Uyezve, purogiramu yacho ichatibatsira kuti tivimbe naJehovha sezvatinoita ushumiri hwedu pasinei nematambudziko nemiedzo zvatingasangana nazvo.
Iva nechokwadi chokuti unopinda mazuva acho ose uye kuti ‘unoteerera kupfuura zvaunogara uchiita.’ (VaH. 2:1) Nyora mashoko mashoma epfungwa dzaungashandisa iwe pachako muupenyu hwako uye muushumiri. Kana ukavapo kubva pakutanga chaipo kusvikira panoperera purogiramu iyi inopfumisa mune zvokunamata, uchakurudzirwa uye uchasimbiswa kuti urambe ‘uchiunganidza pfuma kudenga!’