Zvokutaura Maererano Nemagazini
Nharireyomurindi Jan. 1
“Munobvumirana here nezviri kutaurwa pano? [Verenga Jakobho 3:2.] Nyaya iyi ine mamwe mazano omuBhaibheri anobatsira kuti tisakuvadza vamwe vomumhuri yedu nezvatinotaura.” Muratidze nyaya inotangira papeji 10.
Awake! Jan.
“Imba yose ine zvinetso zvayo. Munofunga kuti vakaroorana vangawana kupi mazano akavimbika? [Rega apindure.] Onai zano iri rinobatsira. [Verenga VaEfeso 5:22, 25.] Nyaya ino inotsanangura kuti zvinorevei kuti mudzimai azviise pasi pomurume wake.” Muratidze nyaya inotangira papeji 28.
Nharireyomurindi Feb. 1
“Nezvinetso zvatinazvo nhasi, munofunga kuti zvingaita here kuti tive norugare mupfungwa? [Rega apindure.] Kuongorora tariro yeBhaibheri yeramangwana kwakabatsira vakawanda. [Verenga rugwaro rumwe chete pamagwaro anenge ari munyaya yacho.] Magazini ino inoratidza zvinotaura Bhaibheri nezvekwatakabva, chinangwa choupenyu, uye kuti remangwana richange rakadini.”
Awake! Feb.
“Nemhaka yokuwedzera kwemhosva dziri kuparwa, vanhu vakawanda vanonzwa vasina kuchengeteka. Munofunga kuti zvinhu zvichazombonaka here? [Rega apindure.] Onai uprofita hweBhaibheri hunofadza. [Verenga Pisarema 37:10.] Magazini ino inokurukura chikonzero chikuru chokuparwa kwemhosva uye kuti Bhaibheri rinoti chichapedzwa sei.”