Mharidzo Dzokuenzanisira
Kutanga Zvidzidzo zveBhaibheri Mugovera Wokutanga Muna October
“Mazuva ano akaoma, tose tiri kusangana nematambudziko ari kuomera mhuri. Munofunga kuti ndekupi kwatingawana mazano anobatsira kuti upenyu hwemhuri dzedu hunakidze?” Rega apindure. Zvadaro ipa saimba Nharireyomurindi yaOctober 1 uye sarudza kamusoro kamwe chete pamisoro iri papeji 16 ne 17 uye verenga rugwaro rumwe kana kupfuura pane aripo. Govera magazini acho ari maviri uye ronga kuzodzoka kuti muzokurukura kamwe kamusoro.
Nharireyomurindi October 1
Ratidza munhu wacho kavha yemagazini, wobva wati, “Maizonzwa sei kana mukaziva kuti makaudzwa nhema pamusoro paMwari? [Rega apindure.] Onai zvakataurwa naJesu zvinotibatsira kusiyanisa chokwadi nenhema. [Verenga Johani 17:17.] Saka Bhaibheri chete ndiro rinotiudza chokwadi pamusoro paMwari. Magazini iyi inokurukura nezvenhema shanu dzinowanzotaurwa pamusoro paMwari dzinofumurwa neBhaibheri.”
Awake! October
“Tiri kutaura nevanhu vose nezvenyaya yemhuri. Munofunga kuti dambudziko guru riri kusangana nevabereki mazuva ano pakurera vana vavo nderei? [Rega apindure.] Vabereki vakawanda vanoshandisa mazano ari muBhaibheri. Somuenzaniso, mashoko aya ouchenjeri anobatsira pakuranga vana. [Verenga VaEfeso 4:31.] Magazini iyi inoratidza kuti mazano ari muBhaibheri anobatsira sei vabereki pakukura kunenge kuchiita mwana wavo kubvira paanenge achiri mucheche kusvika paanenge ayaruka.”