Mharidzo Dzokuenzanisira
Kutanga Zvidzidzo zveBhaibheri Mugovera Wokutanga Muna October
“Ndinofunga kuti munobvumirana neni kuti upenyu hwatiri kurarama hupfupi chaizvo. Munofunga kuti rimwe zuva tichakwanisa kupedza zvirwere tokwanisa kurarama kwemakore akawanda here? [Rega apindure.] Onai zvinotaurwa pano.” Ipa saimba Nharireyomurindi yaOctober 1, mokurukura mose zviri pasi pekamusoro kokutanga kari papeji 16 moverenga rugwaro rwuripo. Govera magazini acho, uye ronga kuzodzoka kuzokurukura mubvunzo unotevera.
Nharireyomurindi October 1
“Ndine mubvunzo wandinoda kunzwawo pfungwa dzenyu. Vanhu vakawanda nhasi vari kunetseka nemhaka youori huri kuitika mumabasa uye muhurumende. Munofunga kuti pane chingaitwa here kugadzirisa dambudziko iri? [Rega apindure.] Onai zvinotaurwa neBhaibheri kuti Jesu achaitira vanhu vari kuitirwa zvinhu izvi zvakaipa. [Verenga Pisarema 72:12-14.] Magazini iyi inoratidza kuti uori huchapera sei munguva pfupi iri kutevera.”
Awake! October
“Vabereki vakawanda vanoda kuti vana vavo vawane dzidzo yakanaka. Asi munofunga kuti vana vari kupedza zvikoro mazuva ano, vakagadzirira kutarisana nematambudziko oupenyu here? [Rega apindure.] Onai zvinotaurwa neBhaibheri nezvekuva nezivo uye uchenjeri. [Verenga Muparidzi 7:12.] Magazini ino ine mazano mashanu anogona kubatsira vana kuti vabudirire kuchikoro.”