Mharidzo Dzokuenzanisira
Kutanga Zvidzidzo zveBhaibheri Mugovera Wokutanga Muna August
“Mazuva ano vanhu vanoona Jesu sekacheche kari muchidyiro kana kuti semunhu ari kuurayiwa. Asi imi munofungei? [Rega apindure.] Tarisai muone zvinotaurwa pano.” Ipa saimba Nharireyomurindi yaAugust 1, mokurukura mose zviri pasi pekamusoro kokutanga kari papeji 16 moverenga runenge rugwaro rumwe chete. Govera magazini acho, uye ronga kuzodzoka kuzokurukura mubvunzo unotevera.
Nharireyomurindi August 1
“Vakawanda vanotenda kuti zvishamiso zviriko. Asi vamwe havana chokwadi kana zvishamiso zvichiitika. Imi munofunga kuti zvishamiso zviriko here? [Rega apindure.] Pane chishamiso chichaitika mune ramangwana uye chiri kuita kuti vakawanda vave netariro. [Verenga rugwaro rwumwe chete pane ari pamapeji 9-10.] Magazini ino inopindura zvinhu zvitatu zvinoita kuti vanhu varambe kuti kune zvishamiso.”
Awake! August
“Mazuva ano vanhu vakawanda vanotya kufamba voga kunyanya kana hwava usiku. Munofunga kuti pane chingaitwa here kuti nyika isanyanya kutyisa? [Rega apindure.] Magazini ino inokurukura zvimwe zvinhu zvatingaita tose kuti tigarisane nevamwe zvakanaka. Inokurukurawo kuti uprofita uhwu huchazadzika sei.” Verenga Pisarema 72:7.