Mharidzo Dzokuenzanisira
Kutanga Zvidzidzo zveBhaibheri paMugovera Wokutanga Muna May
“Tose takafanana pakuti tinokanganisa. Makambozvibvunza here kana Mwari achiregerera zvivi zvakakura? [Rega apindure.] Muratidze nyaya iri papeji 15 muNharireyomurindi yaMay 1 uye kurukurai mashoko ari pasi pomubvunzo wokutanga, moverenga rugwaro rumwe chete kana kupfuura pane aripo. Govera magazini acho, uye ronga kuzodzoka kuti muzokurukura mubvunzo unotevera.
Nharireyomurindi May 1
“Ndingada kuziva kuti munofungei nezviri kutaurwa pano. [Verenga 1 Johani 4:8.] Vanhu vakawanda vanobvumirana nemashoko aya, asi vamwe vanofunga kuti Mwari ane utsinye nokuti anokonzera kana kuti anobvumira njodzi dzinongoitika dzoga. Munofungei? [Rega apindure.] Magazini ino inotaura zvikonzero zvine musoro nei tisingafaniri kuti Mwari ane utsinye.”
Awake! May
“Tiri kushanyira vavakidzani vedu tichitaura nezvedambudziko riri kunetsa vakawanda rekuparwa kwemhosva. Vamwe vanofunga kuti kuwedzera mapurisa ndiko kuchaita kuti kuparwa kwemhosva kuderere. Munofungei? [Rega apindure.] Maizviziva here kuti Bhaibheri rinovimbisa kuti kuparwa kwemhosva kuchapera? [Verenga Pisarema 37:10, 11.] Magazini ino inotaura nezvevimbiso iyoyo uye inopa mamwe mazano anobatsira ezvatingaita kuti tizvidzivirire pakuparwa kwemhosva.”