RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 5/14 p. 4
  • Mharidzo Dzokuenzanisira

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mharidzo Dzokuenzanisira
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2014
  • Mashoko Akafanana
  • Mharidzo Dzokuenzanisira
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2013
  • Mharidzo Dzokuenzanisira
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2014
  • Mharidzo Dzokuenzanisira
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2011
  • Mharidzo Dzokuenzanisira
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2012
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2014
km 5/14 p. 4

Mharidzo Dzokuenzanisira

Kutanga Zvidzidzo zveBhaibheri paMugovera Wokutanga Muna June

“Tiri kushanya kwenguva pfupi kuti tikurukure mubvunzo uyu unoita kuti tide kuziva. [Muratidze mubvunzo wekutanga papeji 16 yeNharireyomurindi yaJune 1.] Munofungei?” Rega apindure. Kurukurai mashoko ari pasi pemubvunzo wekutanga, moverenga rugwaro rumwe chete kana kupfuura pane aripo. Govera magazini acho, uye ronga kuzodzoka kuti mukurukure mubvunzo unotevera.

Nharireyomurindi June 1

“Vanhu vanenge 6 000 000 vanofa gore rimwe nerimwe pamusana pekusvuta. Munofunga kuti pane chinogona kuitwa here kuti dambudziko iri rideredzwe? [Rega apindure.] Vanhu vakawanda vakabatsirwa kuti varege kana kuti vasatombotanga kusvuta nokuona zvinotaura Mwari panyaya yacho. Somuenzaniso, ndima iyi yemuBhaibheri yakaita kuti vamwe vafunge nezvokuti kusvuta kunokanganisa sei vamwe. [Verenga 1 VaKorinde 10:24.] Magazini ino inotsanangura kuti kuongorora maonero aMwari panyaya yekusvuta kunogona kubatsira munhu kuti arege.”

Mukai! June

“Masocial network akaita kuti vanhu vave nedzavanoti shamwari dzakawanda chaizvo kupfuura kare. Munofunga kuti ndehupi unhu hunonyanya kukosha pashamwari yechokwadi? [Rega apindure.] Regai ndikuratidzei muenzaniso wemazano anoshanda ane chokuita neushamwari anowanika muBhaibheri. [Verenga Jakobho 1:19.] Magazini ino inotaura pfungwa ina dzinokosha dzinogona kutibatsira kuti tive neunhu huchaita kuti vamwe vade kushamwaridzana nesu.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe