RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 2/14 p. 4
  • Mharidzo Dzokuenzanisira

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mharidzo Dzokuenzanisira
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2014
  • Mashoko Akafanana
  • Mharidzo Dzokuenzanisira
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2013
  • Mharidzo Dzokuenzanisira
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2015
  • Mharidzo Dzokuenzanisira
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2012
  • Mharidzo Dzokuenzanisira
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2014
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2014
km 2/14 p. 4

Mharidzo Dzokuenzanisira

Kutanga Zvidzidzo zveBhaibheri paMugovera Wokutanga Muna March

“Tiri kushanya kwenguva pfupi kuti titaure nezvechimwe chinhu chichaitika musi wa14 April. Musi uyu ndiwo unoyeukwa rufu rwaJesu. Vamwe vanoyeuka musi uyu nokuti vanofunga kuti rufu rwaJesu runokosha. Vamwe havana chokwadi kana rufu rwaJesu ruchikosha. Munofunga kuti imi neni tinobatsirwa nerufu rwaJesu here?” Rega apindure. Muratidze peji 16 yeNharireyomurindi yaMarch 1, uye kurukurai mashoko ari pasi pemubvunzo wokutanga, moverenga rugwaro rumwe chete kana kupfuura pane aripo. Govera magazini acho, uye ronga kuzodzoka kuti muzokurukura mubvunzo unotevera.

Nharireyomurindi March 1

“Vanhu vakawanda vanonetseka kuti nei Mwari asingagumisi zvakaipa uye kutambura kuri munyika. Munofunga kuti chikonzero chacho ndechokuti Mwari haana basa nevanhu kana kuti anoda kuti vanhu vatambure here? [Rega apindure. Verenga Johani 3:16.] Kunyange zvazvo vakawanda vachishandisa ndima iyi pakuratidza kuti Mwari anotida, havana chokwadi kuti rufu rweMwanakomana waMwari runovabatsira sei. Magazini ino inotsanangura kuti rufu rwaJesu ruchaita sei kuti kutambura uye zvakaipa zviri panyika zvipere.”

Awake! March

“Tiri kushanya kwenguva pfupi kuti tikurukure mafungiro asiriwo ane vakawanda nezvendima iyi yeBhaibheri. [Verenga Genesisi 1:1.] Vamwe vanobvuma pfungwa iyi yokuti zvinhu zvose zvakaita zvokusikwa, asi vamwe havabvumi. Ko imi munofungei? [Rega apindure.] Vamwe vanoomerwa kutenda kuti zvinhu zvakasikwa, nokuti vatungamiriri vezvitendero vanodzidzisa zvisingaenderani nezviri muBhaibheri. Magazini ino inotsanangura nhoroondo yakavimbika uye ine musoro iri muBhaibheri yematangiro akaita zvinhu zvose.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe