Kuparidzira amai nemwana wavo muWest Bengal kuIndia
Mharidzo Dzekuenzanisira
NHARIREYOMURINDI
Mubvunzo: Tose tinombodawo kunyaradzwa pane dzimwe nguva. Asi ndiani angatinyaradza?
Rugwaro: 2VaK 1:3, 4
Zvekutaura: Nharireyomurindi iyi inotaura kuti Mwari anotinyaradza sei.
NHARIREYOMURINDI (peji yekupedzisira)
Mubvunzo: Vamwe vanofunga kuti Umambo hwaMwari huri mumwoyo memunhu, vamwewo vanoti zviri kuitwa nevanhu kuti panyika pave nerugare ndizvo zvichaunza Umambo hwaMwari. Munotiwo kudii?
Rugwaro: Dha 2:44
Zvekutaura: Bhaibheri rinoti Umambo hwaMwari ihurumende chaiyo. Nyaya iyi inotaura zvimwe zvinodzidziswa neBhaibheri nezveUmambo hwaMwari.
DZIDZISA CHOKWADI
Mubvunzo: Tingaziva sei kuti Mwari anotida?
Rugwaro: 1Pe 5:7
Chokwadi: Mwari anoti tinofanira kunyengetera kwaari nokuti ane hanya nesu.
NYORAWO MHARIDZO YAKO
Nyorawo mharidzo yako pachako yomuushumiri uchitevedzera mharidzo yokuenzanisira iri pamusoro apa.