RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w09 2/1 pp. 20-23
  • Unokokwa Noushamwari

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Unokokwa Noushamwari
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • “Unganidza Vanhu”
  • Hurukuro Inobva muBhaibheri
  • Chidzidzo cheNharireyomurindi
  • Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano
  • Chikoro chaMwari Choushumiri
  • Musangano Webasa
  • Zvinotaurwa Nevaenzi
  • Unogamuchirwa
  • Misangano Inotikurudzira “Kuva Nerudo Uye Kuita Mabasa Akanaka”
    Takarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha
  • Misangano Yokukurudzira Rudo Namabasa Akaisvonaka
    Zvapupu zvaJehovha Zvinoita Kuda kwaMwari Mukubatana Munyika Yose
  • Bhokisi Remibvunzo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
  • Ungabatsirwa Sei Nemisangano yeZvapupu zvaJehovha?
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
w09 2/1 pp. 20-23

Unokokwa Noushamwari

ZVIMWE wakambopfuura nepaImba yoUmambo yeZvapupu zvaJehovha iri kwaunogara uye ukazvibvunza kuti panomboitwei. Waizviziva here kuti misangano yazvinoita vhiki imwe neimwe inogona kupindwa nomunhu wose? Vaenzi vanokokwa noushamwari.

Zvisinei, ungava nemibvunzo. Nei Zvapupu zvaJehovha zvichiita misangano? Chii chinomboitwa pamisangano yacho? Uye vaenzi vanenge vasiri Zvapupu zvaJehovha vanoti chii nezvemisangano yacho?

“Unganidza Vanhu”

Kubvira kare, vanhu vave vachiungana kuti vanamate uye vadzidze nezvaMwari. Anenge makore 3 500 apfuura, vaIsraeri vakaudzwa kuti: “Unganidza vanhu, varume nevakadzi nevana nomutorwa ari mukati memagedhi ako, kuti vateerere uye kuti vadzidze, nokuti vanofanira kutya Jehovha Mwari wenyu, vochenjerera kuita mashoko ose omutemo uyu.” (Dheuteronomio 31:12) Saka muIsraeri, vakuru nevaduku vaidzidziswa kunamata uye kuteerera Jehovha Mwari.

Mazana emakore pava paya, ungano yechiKristu yatangwa, misangano yakaramba ichikosheswa pakunamata kwechokwadi. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Ngative nehanya nomumwe nomumwe wedu, tichikurudzirana kuva norudo nokuita mabasa akanaka. Ngatirege kusiya tsika yokuungana pamwe chete sezvava kuita vamwe. Asi ngatiende mberi nokusimbisana.” (VaHebheru 10:24, 25, Bhaibheri Dzvene Testamende Itsva) Sezvinongoitawo ukama hwomumhuri hunosimbiswa nokuwana nguva yokuva pamwe chete, rudo rwuri pakati pevaya vanoda kushumira Mwari rwunosimbiswa vaKristu pavanoungana kuti vanamate.

Maererano neizvi zviri muMagwaro, Zvapupu zvaJehovha zvinoungana paDzimba dzoUmambo kaviri pavhiki. Misangano iyi inobatsira vanenge varipo kuti vanzwisise, vashandise, uye vaone kukosha kwezvatinodzidziswa neBhaibheri. Pazvinenge zvichiita, purogiramu inenge yakafanana pasi rose uye musangano mumwe nomumwe une zvaunobatsira pakunamata. Misangano isati yatanga uye yapera vaya vanenge varipo ‘vanokurudzirana’ nokutaurirana kwavanenge vachiita. (VaRoma 1:12) Chii chinoitwa pamusangano mumwe nomumwe?

Hurukuro Inobva muBhaibheri

Musangano unotanga kupindwa nevakawanda ndewehurukuro inobva muBhaibheri wakarongwa kuti upindwe nevanhu vose uye unowanzoitwa pakupera kwevhiki. Jesu Kristu aigara achipa hurukuro dzavose—imwe inonyanya kuzivikanwa iMharidzo yepaGomo. (Mateu 5:1; 7:28, 29) Muapostora Pauro akapawo yake kuvarume vokuAtene. (Mabasa 17:22-34) Sezvakaitwa naJesu naPauro, misangano yeZvapupu zvaJehovha inenge iine hurukuro dzakarongwa kubatsira voruzhinji, uye vamwe vacho vanenge vachangotanga kupinda misangano.

Misangano yacho inotanga nerwiyo rwunobva mubhuku rinonzi Imbirai Jehovha Rumbidzo.a Vaya vanenge vachida vakasununguka kusimuka voimba nevamwe. Pashure pomunyengetero mupfupi, mukurukuri anokwanisa anopa hurukuro yemaminitsi 30. (Ona bhokisi rinoti, “Hurukuro Dzavose Dzinobatsira.”) Hurukuro yake inenge ichibva muBhaibheri chete. Nguva nenguva mukurukuri anokumbira vateereri kuti vavhure magwaro anokosha uye vafambe naye paanenge achiverenga ndima dzacho. Saka unogona kuuya neBhaibheri rako, kana kuti unogona kuri kumbira kune mumwe weZvapupu zvaJehovha musangano usati watanga.

Hurukuro Dzavose Dzinobatsira

Hurukuro dzomuBhaibheri dzinosarudzwa kubva panyaya dzomuMagwaro dzakasiyana-siyana dzinopfuura 170, kusanganisira dzinotevera:

  • Mavambo Evanhu—Zvaunodavira Zvine Basa Here?

  • Murangariro wouMwari Wevatano Neroorano

  • Kuparadza Pasi Kunounza Chirango chaMwari

  • Kugonana Nefunganyo Dzoupenyu

  • Upenyu Huno Ndihwo Hwoga Huriko Here?

Chidzidzo cheNharireyomurindi

Muungano dzakawanda dzeZvapupu zvaJehovha, hurukuro yavose inoteverwa nechidzidzo cheNharireyomurindi, kukurukurirana kweawa imwe chete pachishandiswa mibvunzo nemhinduro nezvenyaya yomuBhaibheri. Musangano uyu unokurudzira vanenge vari muvateereri kutevedzera zvaiitwa nevanhu vokuBheriya vepanguva yaPauro, “vakagamuchira shoko nepfungwa dzinoda kwazvo, vachinyatsoongorora Magwaro.”—Mabasa 17:11.

Chidzidzo cheNharireyomurindi chinotanga nerwiyo. Zvinenge zvichidzidzwa uye mibvunzo inenge ichibvunzwa nomuitisi zviri muNharireyomurindi yokudzidza. Unogona kuwana yokudzidza kubva kuZvapupu zvaJehovha. Nyaya dzichangobva kudzidzwa dzaisanganisira dzinoti: “Vabereki, Dzidzisai Vana Venyu Norudo,” “Musadzorera Chakaipa Nechakaipa Kuna Ani Naani Zvake,” uye “Zvichaita Kuti Kutambura Kwose Kukurumidze Kupera.” Kunyange zvazvo muitisi achibvunza mibvunzo vateereri vopindura, vanopindura vasingaiti zvokumanikidzwa uye vaya vanenge vatanga vaverenga vofungisisa nezvenyaya yacho uye magwaro anotsigira pfungwa dzacho ndivo vanonyanya kupindura. Musangano uyu unopera nerwiyo uye munyengetero.—Mateu 26:30; VaEfeso 5:19.

Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano

Kamwe chete pavhiki ari manheru, Zvapupu zvaJehovha zvinoungana zvekare paImba yoUmambo kuti zviite misangano ine zvikamu zvitatu kweawa imwe chete nemaminitsi 45. Chikamu chokutanga ndecheChidzidzo cheBhaibheri Cheungano, chinoita maminitsi 25. Chinobatsira vanenge varipo kuti vanyatsonzwisisa Bhaibheri, kuti vagadzirise mafungiro avo uye maonero avanoita zvinhu, uye kuti vave vadzidzi vaKristu vari nani. (2 Timoti 3:16, 17) Sezvinongoitwa paChidzidzo cheNharireyomurindi, musangano uyu unosanganisira mibvunzo nemhinduro nezvenyaya yomuBhaibheri. Vaya vanopindura havamanikidzwi. Panenge pachidzidzwa bhuku kana kuti bhurocha rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha rinobatsira pakunzwisisa Bhaibheri.

Nei pamisangano iyi pachishandiswa mabhuku anobatsira kunzwisisa Bhaibheri? Kare munguva dzeBhaibheri, kungoverenga Shoko raMwari kwakanga kusina kukwana. ‘Raitsanangurwa, richidudzirwa; uye vakaramba vachiita kuti zvaiverengwa zvacho zvinzwisisike.’ (Nehemiya 8:8) Mumakore achangobva kupfuura, mabhuku anotsanangura mabhuku aIsaya, Dhanieri uye Zvakazarurwa ave achibatsira vanopinda misangano iyi kunzwisisa zvikamu izvi zveBhaibheri.

Chikoro chaMwari Choushumiri

Kana Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano chapera kunouya Chikoro chaMwari Choushumiri. Musangano uyu wakagadzirirwa kubatsira vaKristu kuvandudza “unyanzvi hwokudzidzisa.” (2 Timoti 4:2) Somuenzaniso, mwana wako kana kuti shamwari yakambokubvunza mubvunzo wakakuomera kupindura nezvaMwari kana kuti nezveBhaibheri here? Chikoro chaMwari Choushumiri chinogona kukudzidzisa kupa mhinduro dzinokurudzira dzinobva muBhaibheri dzemibvunzo yakaoma. Saka tinogona kudzokorora mashoko akataurwa nomuprofita Isaya, uyo akati: “Changamire Ishe Jehovha akandipa rurimi rwevakadzidziswa, kuti ndigone kupindura munhu akaneta neshoko.”—Isaya 50:4.

Chikoro chaMwari Choushumiri chinotanga nehurukuro inobva muchikamu cheBhaibheri chinenge chakakurudzirwa vateereri kuti vaverenge muvhiki racho. Kana apedza kutaura, mukurukuri wacho anokumbira vaya vari muvateereri kuti vataure muchidimbu mashoko avakawana kuti anobatsira muchikamu chavakanzi vaverenge. Kana hurukuro iyoyo yapera, vadzidzi vakanyoresa pachikoro vanotaura hurukuro dzavakapiwa.

Vadzidzi vanopiwa chikamu chomuBhaibheri chokuti vaverenge vari pamberi pevanhu kana kuenzanisira kuti vangadzidzisa sei mumwe munhu nyaya yomuMagwaro. Kana mudzidzi apedza kutaura hurukuro yake, mupi wezano ane ruzivo anoonga zvakanaka zvinenge zvaitwa nomudzidzi, achishandisa bhuku rinonzi, Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri. Pashure, vava voga, mupi wezano anogona kuzopa mudzidzi mazano okuti anganatsiridza sei unyanzvi hwake.

Ichi chikamu chinonakidza chepurogiramu chakaitwa kuti chibatsire mudzidzi kunyangewo vaya vanenge vakateerera vanoda kunatsiridza unyanzvi hwavo hwokuverenga, hwokukurukura, uye hwokudzidzisa. Kana Chikoro chaMwari Choushumiri chapera panoimbwa rwiyo runobva muchikamu chomuBhaibheri rwokuti Musangano Webasa utange.

Musangano Webasa

Musangano Webasa ndiwo chikamu chokupedzisira chepurogiramu yacho. Pachishandiswa hurukuro, kuenzanisira, kubvunzurudza, uye kupindura kwevateereri, vaya vanenge varipo vanodzidza kuti vanganyatsodzidzisa sei chokwadi cheBhaibheri. Asati atuma vadzidzi vake kunoparidzira, Jesu akavaunganidza ndokuvarayira zvavaifanira kunoita. (Ruka 10:1-16) Zvavakanga vagadzirira basa rokuparidzira, vakasangana nezvakawanda zvakavanakidza. Pashure, vateveri vaJesu vakadzoka kwaari vakamuudza zvavakanga vasangana nazvo. (Ruka 10:17) Vadzidzi vaiwanzotaurirana zvavaisangana nazvo.—Mabasa 4:23; 15:4.

Purogiramu yemaminitsi 35 yoMusangano Webasa inowanikwa mupepa rinobuda mwedzi nomwedzi rinonzi Ushumiri Hwedu hwoUmambo. Misoro ichangobva kukurukurwa nezvayo inosanganisira inoti: “Kunamata Jehovha Semhuri,” “Chinoita Kuti Tidzokere Tadzokerazve,” uye “Tevedzera Kristu Muushumiri Hwako.” Purogiramu yacho inopedziswa nerwiyo, uye nomunyengetero unopiwa nomunhu womuungano anenge akakumbirwa.

Zvinotaurwa Nevaenzi

Ungano dzinoita zvadzinokwanisa kuti munhu wose anzwe achigamuchirwa. Somuenzaniso, Andrew akanga anzwa nyaya dzakawanda dzakaipa nezveZvapupu zvaJehovha. Asi paakapinda musangano kokutanga, akashamiswa nokugamuchirwa kwaakaitwa. Andrew anoti: “Zvaifadza kuva panzvimbo yakadai, ndakashamiswa chaizvo noushamwari hwaiva nevanhu vacho uye kundifarira kwavaiita. Ashel, musikana wechiduku wokuCanada anobvumirana nazvo. “Musangano wacho wainakidza chaizvo! Zvaiva nyore kuona kuti musangano wacho uri kufamba sei.”

José, anogara kuBrazil aiva nembiri youtsinye munzvimbo yaaigara. Zvisinei, akakokwa kuti apinde musangano paImba yoUmambo. Anoti: “Vanhu vaiva paImba yoUmambo vakandigamuchira noushamwari, kunyange vaiziva nezvounhu hwangu.” Atsushi, anogara kuJapan, anoyeuka kuti: “Ichokwadi kuti pandakatanga kupinda musangano neZvapupu zvaJehovha ndainzwa ndisina kusununguka. Kunyange zvakadaro, ndakanzwisisa kuti vanhu ava vanhuwo vakangoita sevamwe. Vaiedza chaizvo kuita kuti ndisununguke.”

Unogamuchirwa

Sezvinoratidzwa nemashoko ari pamusoro apa, kupinda misangano paImba yoUmambo kungakubatsira. Uchadzidza nezvaMwari, uye kuburikidza nemirayiridzo inobva muBhaibheri yaunowana ikoko, Jehovha Mwari achakudzidzisa “kuti ubatsirwe.”—Isaya 48:17.

Kupinda misangano yeZvapupu zvaJehovha hakubhadharwi, uye hapana mari inounganidzwa. Ungada kupinda misangano paImba yoUmambo yomunzvimbo yaunogara here? Unokokwa noushamwari.

a Mabhuku ose anotaurwa nezvawo munyaya ino akabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe