Vanhu Vanoshingairira Mabasa Akaisvonaka
1 Jehovha ndiMwari wamabasa akaisvonaka uye anoshingaira mukuita kuti aitwe. Chinhu chiri chose chaanoita ndechenakirwo yaavo vanomubatira. Jesu akagadza muenzaniso wakakwana, achitevedzera Baba vake. Vanhu voumwari avo vanoda kufadza Jehovha vanogonawo kuzivikanwa kupfurikidza namabasa akaisvonaka. Nhamburiko yakaitwa navadzidzi vaJesu yokutevera muenzaniso wake yaizoitira Baba vake “vanhu vake amene chaivo, vanoshingairira mabasa akaisvonaka.” (Tito 2:14, NW) Mabasa akaisvonaka omuKristu ndeayo anobetsera vamwe. Chinhu chinobetsera zvikurusa chatinogona kuitira mumwe munhu ndechokumubetsera kuziva nokubatira Jehovha. Basa rokuparidza nokuita vadzidzi reungano yechiKristu ibasa rakaisvonaka rebetsero hurusa. Kudikanwa kwaro nekurumidziro zvinoita kuti rive rakafanirwa neshingairo yedu yakasimba zvikurusa.
2 Nzira imwe yatinogona kuratidza nayo kushingairira kwedu mabasa akaisvonaka iri kupfurikidza nokunyoresa samapiyona ebetsero. Ndivanaani chaizvoizvo vanogona kunyoresa samapiyona ebetsero uye ndezvipi zviri zvikwaniriso zveiri basa? Ndirini apo kwakanaka kupayona uye unogona sei kubatira nenzira inobudirira? Ticharangarira aya mapfundo munyaya ino.
3 Ndivanaani Vanogona Kugoverana? Chapupu chiri chose chakazvitsaurira, chakabhapatidzwa chiri muchimiro chakanaka neungano chinogona kukwanirisa nokuda kwokunyoresa sapiyona webetsero. Munhu anofanira kuronga zvinhu zvake kuti kuve kunobvira kupa maawa 60 mubasa mwedzi iwoyo kana kuti mwedzi yaanenge achibatira. Munhu wacho anofanira kunzvera mamirire ezvinhu zvake ndokuwana kuti ndirini mugore apo anogona kupayona.—om-CA, mapeji 113, 114.
4 Vakura, vanhurume navanhukadzi, pamwe chete navaduku vose vanogona kuwedzera kugoverana kwavo mumabasa akaisvonaka kupfurikidza nebasa roupiyona hwebetsero.
5 Vanhu Vakwegura Vanogona Sei Kukuita? Jehovha “wakakwegura pamazuva” asi aka“ramba [a]chishanda kusvikira zvino.” (Dhan. 7:9; Joh. 5:17, NW) Vakweguru vakawanda vakatevedzera muenzaniso waJehovha muna ikoku uye sezvo mamirire ezvinhu zvavo akabvumidza vakanyoresa samapiyona ebetsero.
6 Hama imwe muEcuador inogovera muenzaniso wakaisvonaka muna ikoku. Yakawana zvokwadi pazera ramakore 80, uye ipapo yakadzidza kurava nokunyora. Yakabhapatidzwa makore maviri gare gare. Sezvo yaigara musango, yaifanira kufamba kwamaawa matatu kuti isvike kuHoro yoUmambo. Mudzimai wayo anoshora aiviga zvipfeko zvayo nemari kuti aiodze mwoyo kuti isapinde misangano yechiKristu. Asi izvi zvinetso hazvina kukurira iyi hama yakatendeka. Yakabatira sapiyona webetsero mwedzi yose kwamakore gumi uye yakaparidza mumisha yakawanda, kazhinji kazhinji ichibatwa zvakaipa navagari vomumusha. Zvisinei, apo mapiyona navafundisi vakapupura gare gare munharaunda idzodzo, vanhu vakawanda vakavasvika ndokukumbira fundo dzeBhaibheri. Naizvozvo zvinhu zvakanaka zvakabva mubasa rakaoma reiyi hama inoshingaira. Yakafa nekenza pazera ramakore 92 asi yakapedza maawa 40 muushumiri mwedzi umene uyo yakafa. Muenzaniso wakaisvonaka zvakadini wokushingaira mumabasa akaisvonaka!—w85-CA 11/15, peji 14.
7 Madzibaba ane mhuri dzokutarisira achingori anogona kupayona. Somuenzaniso, hama imwe munyika yeAmerica iri kumaodzanyemba kwakadziva kumadokero inobatira somukuru akagadzwa uye ine mhuri huru. Namabasa eungano, misengwa yemhuri uye basa rokunyika rinobatikanisa, zvakawanda zvinodikanwa kwairi. Kunyanguvezvo, yakarangarira basa rokunyika nemibato isati iri youbati ushe hwaMwari somutoowo zvawo wokuwana nawo zvainoda, ndiko kuti, kuibetsera kuita kuti kubvirire iyo imene nemhuri yayo kugoverana zvizere sezvinobvira mumabasa akaisvonaka eungano. Basa rayo rokunyika rakanga rakaganhurirwa kuzvinodikanwa zvemhuri yayo, kuchiisiyira nguva yokubatira sapiyona webetsero panhambo ina mugore rimwe. Apo yakabvunzwa chikonzero nei yaiita saizvozvo yakangopindura, kuti: “Inongova chete nhau yechaunoisa pakutanga muupenyu hwako . . . chiri chokutanga chaizvoizvo mumwoyo mako.” Betsero dzinogarisa dzeshingairo yayo dzingaratidzirwa muidi rokuti vaparidzi vane makumi maviri navapfumbamwe muungano iyoyo vakagoverana nayo mubasa roupiyona hwebetsero mukati megore rimwe chetero.
8 Tinorumbidza madzibaba ayo anoshingairira mabasa akaisvonaka somuenzaniso uri pamusoro apa. Tinorumbidza vakuru vanoshanda zvakaoma mubasa kuna Jehovha ndokukurudzira munhu ari wose ane mamirire ezvinhu anobvumidza kuti afunge zvakakomba pamusoro pebasa roupiyona hwebetsero.
9 Vanaamai Navana—Chii Chamunogona Kuita? Imwe hanzvadzi yakachata yakaratidzira shingairo yakafanana. Navana vatatu nomurume asingatendi, yakatsaurira upenyu hwayo kuna Jehovha makore anenge mashanu akapfuura. Achiva muzvinabhizimisi anobudirira anoda zvishomanene rudzidziso, murume wayo akanga achitsoropodza kwazvo pamusoro pevara rechokwadi rokwaitaurwa kuva kutenda kwayo. Munguva yakapfuura kazhinji kazhinji yakanga yakundikana kuratidzira “mudzimu wakanyarara nomunyoro” muukama hwemhuri nomusonganiro navamwe. (1 Pet. 3:1-4, NW) Chinjo mutsika yayo nomufambiro zvakakurumidza kumupwisa neimwe nzira. Akaona simbiso shomanene pamusoro pezvinhu zvokunyama neitiro hanya huru pamusoro pomufambiro wakakodzera wechiKristu. Nepo yakawanda yenguva yayo yakanga yakatsaurirwa kumibato mukushandiswa kwokutenda kwayo, panguva imwe cheteyo akawana kuti yakava nefariro yakawedzerwa maari. Kudisa kwapachokwadi kuzviisa pasi poumusoro hwake kwakaratidzira chinjo huru nokuda kwezviri nani muukama hwavo. Akaona mbavarira yakamutsidzirwa yokutarisira zvakanaka musha. Kuitira hanya vana kwakapfuura zvinodikanwa zvavo zvokunyama kana kuti dzidzo yokunyika; nhambo dzomurayiridzo weBhaibheri dzakava rutivi runokosha rwomuitiro wezuva nezuva. Shamwari dzemhuri yacho dzaisagona kuita chimwe chinhu kunze kwokucherekedza chinjo yacho, kwete bedzi mumudzimu wokufara zvikuru wemhuri, asiwo mumufambiro wayo kunze kwomusha uyo wakabatanidza shanyo dzayo kumisha yavo kuti igoverane shoko roUmambo. Shingairo yayo mukushandisa nheyo dzeBhaibheri yakaita kuti ive mudzimai naamai vari nani, yakasimbisa zvisungo zvemhuri uye yakarumbidza zvikuru kunaka kwokunamata kwakachena kune vamwe.
10 Apo unorava nezvechakaitika chakafanana neichi, ikoku hakufaniri kukuita kuti unzwe uchida kunzvera mamirire ezvinhu zvako ndokuona kana uchigona kuwedzera kushingairira kwako mabasa akaisvonaka here? Ikoku kunofanira kuva nevavariro yakanaka, kwete nomudzimu wokukwikwidza uyo ungasava nechikomborero chaJehovha. Hatisati tiri tose zvedu tichakwanisa kuita chinhu chimwe chetecho mubasa redu kuna Jehovha asi tingada kupa basa romweya wose kuna Jehovha seratidzirwo yorudo rwedu nokuda kwake uye nokuda kwavavakidzani vedu.—VaK. 3:23; Mat. 22:37-39.
11 Nepo pwere dzakawanda munyika ino, somudzimwe nzanga, dzine tsika yokukurumidza kuronga misi yokundovhakacha, kukurumidza kuchata ndokukurumidza kuva nomutoro wemabasa emhuri kana kuti mabasa okunyika, dzimwe pwere dzechiKristu dzakasakurira nharidzano dzomudzimu. Kune zvakawanda zvikuru zvichafarikanywa nepwere dzinodisa kuva dzinozvibayira.—Mup. 12:1.
12 Muenzaniso ndechakaitika chomumwe musikana ane makore gumi nerimwe okukura. Akabhapatidzwa apo akanga ane makore gumi uye akapinda mubasa roupiyona hwebetsero zororo rechikoro riri rose. Jehovha akakomborera basa rake rakaoma. Anoitisa fundo dzeBhaibheri shanu uye mbiri dzadzo dziri kupinda misangano. Anoita gadziriro dzapachine nguva mberi dzokushanda nomutariri wedunhu nguva ipi kana ipi apo anobatira ungano yake uye anoitisa fundo dzeBhaibheri ndokukumbira zvikarakadzo kumutariri anofambira nokuda kwevandudziko. Kunyange apo inenge ichienda kuchikoro, hama imwe duku inoshingairira zvikuru mabasa akaisvonaka uye yakanyoreswa sapiyona wenguva dzose. Inogona zvikuru kuchikoro uye iri kuita zvakanaka zvikuru muungano.
13 Chii Chinodikanwa Kuchengeta Shingairo Mumabasa Akaisvonaka? Kunokosha kuchengeta umudzimu. Kupinda nguva dzose misangano, uye kutora rutivi kwokushingaira mairi, kurava Bhaibheri zuva nezuva uye kurukurirano yorugwaro rwezuva nezuva, rudungwe rwefundo yomunhu oga yokushingaira—zvinhu izvozvi zvinogona kuyamura munhu kuchengeta shingairo yake nomufaro, uye kumushongedzera kukurira zvinetso zvechienzi nezvisingakarirwi. (Pis. 1:1-3) Kazhinji kazhinji, basa roupiyona hwebetsero rinotungamirira kubasa roupiyona hwenguva dzose. Kuronga kwakanaka nokuzviranga mavara anokosha okusakurira. (Ruka 13:24) Mufaro mukuru negutsikano zvakamirira avo vanoita seizvo mumwe musikana muduku wechiKristu akanyora, kuti: “Ndinoshuva kuti kudai ndaigona kupa kuhama nehanzvadzi duku dzose mufaro uriko wokuva nawo mukubatira Jehovha muupwere hwako. Vaduku vakawanda vanganzwa kuti vachanyanyoremedzwa kupfurikidza nokutora basa rokuparidza renguva yakazara asi zvakasiyana chaizvo. Unonzwa sokunge une rusununguko rwakawanda, nokuti unoziva kuti uri kuita zvaunofanira kuva uchiita, uye apo unenge une nguva yako umene unogona kuifarikanya norugare rwakadaro rwendangariro nehana yakachena.”
14 Tose zvedu ngativavarire kushandisa mukana uri wose kushingairira mabasa akaisvonaka. Kana mamirire ezvinhu zvako achibvumidza, rangarira nokunyengetera basa roupiyona hwebetsero uye kunyange basa roupiyona hwenguva dzose. Nokudaro uchazvibvumikisa umene kuva “muenzaniso wamabasa akaisvonaka” mubasa rako kuna Jehovha.—Tito 2:7, NW.