RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 1/95 p. 1
  • Zvakawanda Zvokuita Nguva Dzose

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvakawanda Zvokuita Nguva Dzose
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
  • Mashoko Akafanana
  • Wakanyanyobatikana Here?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
  • Unogona Kufara Nezvakawanda Zvokuita Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Wakabatikana Mumabasa Akafa Here Kana Kuti Mubasa raJehovha?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Chipingamupinyi Chokuparidza Here?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
km 1/95 p. 1

Zvakawanda Zvokuita Nguva Dzose

1 Vanhu vaJehovha vanhu vakabatikana. Tine misengwa yakawanda pamusoro pemhuri yedu, basa rokunyika, uye chikoro. Uye kupfuura zvose, nguva dzose kune “zvakawanda zvokuita mubasa raShe.” (1 VaK. 15:58, NW) Tinofanira kugadzirira nokupinda misangano yevhiki nevhiki yeungano. Tinokurudzirwa kusarega vhiki ichipfuura tisina kuva negoverano yakati muushumiri hwomumunda. Nguva yakakwana inofanira kutsaurwa nguva dzose nokuda kwefundo yeBhaibheri yomunhu oga uye yemhuri. Vakuru navabatiri vanoshumira vane migove yakawanda yeungano. Padzimwe nguva tinokumbirwa kubetsera vakafanirwa vanoshayiwa.

2 Panhambo nenhambo, vamwe vedu tinganzwa takundwa nezvose zvatinofanira kuita. Bva, vanhu vakabatikana zvikurusa vanogona kuva pakati pavanofara zvikurusa kana dzikamo nomurangariro wakafanira zvikachengetwa.—Mup. 3:12, 13.

3 Muapostora Pauro akanga ari munhu aive nezvakawanda zvokuita. Achitarisira zvinodikanwa zvake amene zvomunhu oga kupfurikidza nokushanda basa rokunyika somuiti wetende, akabishaira zvikuru kupfuura vamwe vaapostora. Akashanda asinganeti somuevhangeri, achiparidza pachena napaimba neimba, asingaregeredzi mabasa ake somufudzi weboka. (Mabasa 20:20, 21, 31, 34, 35) Pasinei zvapo norudungwe rwake rwakabatikana, Pauro akanga achidisa nguva dzose kuita zvakawanda mubasa raJehovha.—Enzanisa naVaRoma 1:13-15.

4 Pauro akachengeta dzikamo yake nomwoyo unofara kupfurikidza nokutsamira pana Jehovha nokuda kwesimba. Akawana ushumiri hwake kuva hunotusa nohunogutsa. (VaF. 4:13) Iye akaziva kuti Mwari haasati aizokanganwa basa rake. (VaH. 6:10) Mufaro wokubetsera vamwe kuziva Jehovha wakamusimbaradza. (1 VaT. 2:19, 20) Vimbiso yokuwana tariro yake yakavakirwa paBhaibheri yakamusunda kuramba achibishaira.—VaH. 6:11.

5 Tinofanira kurangarirawo zvakanaka zvinobva mumibato yedu. Kuvapo kwedu nokutora rutivi mumisangano yevhiki nevhiki kunobatira kuvaka nokukurudzira vamwe. (VaH. 10:24, 25) Nhamburiko dzedu dzapachokwadi dzokusvika vose namashoko akanaka dzinoparira enderero mberi yeungano sezvo fariro inosakurirwa uye vatsva vachisonganirana nesu. (Joh. 15:8) Kubatsira vamwe vanoshayiwa kunosimudzira mudzimu wokubatana, wakafanana nowemhuri muungano. (Jak. 1:27) Kupfuurirazve, kufanana naPauro, hatifaniri kutongokanganwa kuti kuva akabatikana mumabasa anobetsera kunosanofadza kuna Jehovha Mwari. Tinokurangarira kuva ropafadzo huru kumubatira. Nokuda kwedu hakuna nzira iri nani youpenyu!

6 Kune betsero yakawedzerwa mukuva nezvakawanda zvokuita. Apo tinenge takabatikana tichironda muitiro wakanaka womudzimu, nguva inoratidzika kuva inopfuura nokukurumidza zvikuru. Tichiziva kuti zuva rimwe nerimwe rinopfuura rinotisvitsa pedyo zvikuru nenyika itsva, tinogamuchira nomufaro upenyu hwakazara hwatinofarikanya zvino. Tinozivawo uchenjeri hwokuramba takabatikana, sezvo tiine nguva shomanene zvikuru yokuti tibatanidzwe muzvirondwa zvenyika zvisina maturo.—VaEf. 5:15, 16.

7 Zvirokwazvo, kune zvakawanda zvokuita mubasa raShe. Asi tinogona kuramba tichifara kana tikapfuurira kutsamira pana Jehovha Mwari naJesu Kristu, vanoita kuti basa redu rive rinozorodza nerinotusa.—Mat. 11:28-30; 1 Joh. 5:3.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe