RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 2/96 pp. 3-6
  • Bazu Rinoda Tsigiro Yako Inopfuuridzirwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bazu Rinoda Tsigiro Yako Inopfuuridzirwa
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
km 2/96 pp. 3-6

Bazu Rinoda Tsigiro Yako Inopfuuridzirwa

1 Jehovha akapfuurira kutitsigira mumakore akawanda muZimbabwe. Muna 1947 nzvimbo yokuchengetera mabhuku yokutanga yakatangwa kuti itarisire zvinodikanwa zvedu. Muna 1948 Hofisi Yebazu yakatangwa uye muna 1952 takatenga nzvimbo iripo zvino yebazu paiva neimba. Iyi imba yakabatira seBheteri kwamakore 21 isati yatsiviwa muna 1973 nechivako chiripo zvino chine nhurikidzwa nhatu.

2 Kubvira ipapo, nemhaka yedikanwo yakawedzerwa yenzvimbo yakakura mukutarisira zvinodikanwa zvake, Jehovha akatitsigira kupfurikidza nokugovera wedzero seri kweBheteri. Dikanwo yenzvimbo yakakura yakapfuurira zvisinei, naizvozvo tine nzvimbo nomwe muna Fife Avenue, pambiri dzadzo pane Horo yoUmambo yakaisvonaka, huru iyo zvino iri kushandiswa neungano ina. Dzimwe nzvimbo dzinoshandiswa zvikurukuru nokuda kwepokugara kwavane 72 vanobatira paBheteri uye 104 vari Pakuvaka.

3 Kunze kwezviri pamusoro apa, Jehovha akatitsigira nechivako chehofisi chiri muHarare uye “Purazi” redu riri kuOld Mazowe Road. “Purazi” racho rakatengwa kuitira kuti mabasa ose ebazu agogona kuitirwa panzvimbo imwe mumhoteredzo dzakanaka uye dzakanyarara. Ndipo pano apo boka redu rokuvaka riri kushandira kuti rivake Hofisi Yebazu idzva uye Musha weBheteri. Hungu, Jehovha zvirokwazvo akatibetsera. Chii chatinogona kuita zvino kuzvipa timene mukutsigira basa rake?

4 Jehovha akavimbisa paPisarema 110:3 kuti “vanhu vak[e] vachazviisa nomwoyo wose pazuva ra[a]chaunganidza hondo yak[e].” Uye hazvisi izvo zvatinoona vanhu vaJehovha vachiita here? Kwose kwose vanozvipa vamene nokudisa kuti vabatire fariro dzoUmambo, vachiparidza nenzira yokushingaira mashoko akanaka oUmambo. Mukuwedzera, vamwe vanokwanisa kubatira mumisha yeBheteri kana kuti pamabasa okuvaka. Iyi ndima inopfuurira kutaura kuti majaya aizova se“dova” rinozorodza muiri basa rakaisvonaka. Uye ndozvavakaita. Ikozvino, pano paBheteri, tine majaya akawanda ayo akazvipa amene nokudisa mumativi akasiyana-siyana ebasa raJehovha—shanduro, kudhinda, kubika, kuvaka, uye mimwe mibato yakawanda. Iwo manyuko ezorodzo uye tinoonga basa rawo zvikuru kwazvo. Pane mamwe majaya anogona kuzviita amene anowanikwa nokuda kwebasa raJehovha here?

5 Sejaya ungabvunza kuti, “Kushanda Pakuvaka kwakaita sei? Ndinokwanisa kukodzera here?” Kuti tipindure iyi nemimwe mibvunzo, regai tikuudzei icho Kuvaka kwakaita uye chaunogona kukarira apo unouya kuzotibetsera.

6 Zuva mu“Imba yaMwari”: Basa rokuvaka rutivi rweBheteri. Rinoshanda sebato rakasiyana. Zita rokuti ‘Bheteri’ (Imba yaMwari) rakakodzera zvikurusa nemhaka yokuti munhu ari wose anogara paBheteri mubatiri akazvitsaurira waJehovha. Mhoteredzo yose paBheteri uye Kuvaka ndeyoumwari. Tinotanga zuva redu nemaminiti 15 o‘Kunamata Kwamangwanani’ mukati mako tinoteerera kurukurirano inovaka yorugwaro rwezuva uye pashure pacho tobatana mumunyengetero womwoyo wose. Tinowana kuti kuisa mifungo yedu pana Jehovha nokunamatwa kwake ndiyo nzira yakanakisisa yokutanga nayo zuva.

7 Tine dzimwe gadziriro dzakawanda dzomudzimu idzo dzatinoda zvikuru. Somuenzaniso, tinofarikanya chose fundo yedu yemhuri—fundo chaiyo yeNharireyomurindi manheru oMuvhuro ari ose. Tsinhiro dzakasanogadzirirwa neboka rehama, vakawanda zvikurusa vavo vari vakuru uye vabatiri vanoshumira, dzinozorodza uye dzinonyandura mumudzimu. Ikokuwo kunotigovera mapfundo akaisvonaka ayo tinogona kugoverana nehama dziri muungano dzedu dzakagoverwa Svondo inotevera yacho. Panguva nenguva tinofarikanya hurukuro chaiyo yakagadzirirwa noMutumbi Unodzora nokuda bedzi kwemitezo yomunyika yose yemhuri yeBheteri uye vashandi vokuvaka.

8 Mamwe manyuko omufaro uye zorodzo igoverano yedu yenguva dzose mubasa romumunda neungano dzedu dzakagoverwa. Vakawanda vedu takanga tiri mapiyona tisati tauya kuBheteri naizvozvo tinofarikanya kugoverana mumativi ose omubato womumunda pamanheru omukati mevhiki uye pakupera kwevhiki. Urwu rutivi rwebasa redu rinoyera rwunotibetsera kurangarira nenzira yakajeka ukoshi hwebasa ratinoita paBheteri.

9 Nguva dzosewo tinova nevashanyi vanobva kumamwe mapazu kana kuti kuBrooklyn avo vanogoverana nesu zvakaitika zvinofadza uye mishumo inobva munyika yose. Mukuwedzera, tine mishumo yomuno muZimbabwe. Somuenzaniso, misi ichangobva kupfuura iyi takafarikanya mishumo pamusoro pefambiro mberi yezvokuyamura kusina kunaya mvura yakakwana munyika yose kuti tibetsere hama dzedu mukushayiwa kwadzo. Tine chokwadi chokuti muchabvuma kuti, somugumisiro weidzi gadziriro dzomudzimu dzisingaenzaniswi, hapana nzvimbo iri nani yokuti jaya riite chaizvoizvo fambiro mberi yomudzimu.—Mat. 25:37-40; 1 Tim. 4:15.

10 Ropafadzo yakatanhamara yatinokoshesa paBheteri isonganiro yedu youmwari. Tinofarikanya songaniro yehama dzedu nehanzvadzi dzakazvitsaurira muswere wose wezuva. Tinoonga sei kuti hatifaniri nguva dzose kusonganirana navanhu venyika, seizvo vakawanda vedu vanofanira kuita nguva yakawanda kwazvo. Tinogona kunzwisisa nei hama dzakawanda dzakaratidzira chishuwo chokushanda murudzi rwemhoteredzo yatinofarikanya pano paBheteri zuva riri rose. Pasina panikiro, mhoteredzo yedu yeBheteri inobatsira kukura mumudzimu kwakadzikama.

11 Vashandi Vane Unyanzvi Vanodikanwa: Mukuwedzera kumajaya atiri kurovedza, tinoda hama dzine unyanzvi dzakawanda kuti dzitibetsere. Ikoku kunoshanda zvikurukuru Pakuvaka. Gore rapfuura iri hama dzakati idzo dzisingagari paBheteri dzave dzichibetsera zvikuru Pakuvaka, dzichibva kudzimba dzadzo pahwaro hwezuva nezuva, vamwe zvino vava rutivi rweboka redu renguva dzose. Vamwe vane mitoro yemhuri vakakwanisa kubetsera kwevhiki imwe kana kuti mbiri, kana kuti kunyange mwedzi mumwe panguva. Vashandi vane unyanzvi vanoita mupiro unokosha kugadziriro yedu yokuvaka. Naizvozvo tinokumbira vose vane unyanzvi mubasa ripi neripi rine chokuita nokuvaka kurangarira kana vachigona kuzvipa vamene nokudisa kwezuva rimwe kana kuti maviri vhiki imwe neimwe kana kuti kunyange kwevhiki dzakati kana kuti zvichida kupfuura. Kuregererei kusarudza zvino apo uchakwanisa kuuya ndokutibetsera?

12 Avo vanozviita vamene vanowanika vanofarikanya nguva yomudzimu inozorodza paBheteri. “Ndashanda pano kwomwedzi mumwe,” yakatsanangura kudaro imwe hama, “uye ndadzidza zvakawanda. Kwete bedzi nezvebasa, asiwo mufambiro, kunamatira chaizvoizvo kunheyo dzakarurama, kuva akarongeka, uye kuita fambiro mberi yomudzimu. Ikoku kwandiita kuti ndifare zvikuru!” Imwe hama duku yakati: “Kunyange zvazvo ndiri makiromita 600 kubva kumusha, imi hama nehanzvadzi makaita kuti uyu uve musha uri kure nomusha nokuda kwangu.” Vamwe varoorani vanobva kuUSA vakanyora, kuti: “Iri kadhi [rokuonga] haringagoni kutongoratidza manzwire edu echokwadi. Tinonzwa chaizvoizvo kuti takakomborerwa kukwanisa kushanda pabasa racho, kuona simba romudzimu waJehovha richishanda, kuwana rudo nechinzwano. Chikomborero chakadini kuva rutivi rwesangano raJehovha!” Vamwe varoorani vakapfupikisa neiyi nzira: “Kuravidzwa kwakanaka kweParadhiso!”

13 Naizvozvo, tinotambanudza kokero yomwoyo wose kuvose vanokwanirisa kuuya ndokugoverana mumufaro weiyi wedzero yoUmambo nesu. Tinokarira kuti basa redu rokuvaka richapfuurira kwamamwe makore maviri. Asi zvino, sezvaunorangarira iyi nhau nokunyengetera, ungava uchishamisika, kuti:

14 Ndiani Anokwanirisa? Hama ipi neipi yakazvitsaurira, yakabhapatidzwa inogona kukumbira Kuvaka kana zero rayo riri pakati pamakore 19 ne55. Hanzvadzi dzinogonawo kukumbira, zvikurukuru idzo dzinogona kuuya zuva nezuva dzichibva munharaunda yeHarare, uye idzo dzine unyanzvi hwebasa romuhofisi kana kuti rokuvaka. Pakati pezvimwe zvinhu, vakumbiri vanofanira kuva vane utano hwomuviri hwakanaka, vakabhapatidzwa kwegore rimwe, uye vanofanira kuva vakasimba mumudzimu. Kana uchigona kuzvipa umene nokudisa muiri zuva apo Jehovha ari kukurumidzisa basa, tapota nyora uchikumbira fomu rekumbiriso kana kuti wana rimwe kumutariri wenyu wedunhu.

15 Pashure pokurangarira nokungwarira, zvisinei, ungaziva nenzira inosuruvarisa kuti hautongokwanisi kukumbira Kuvaka panguva ino. Kana zvakadaro, pane imwe nzira ipi neipi here yaunogona kubetsera nayo kutarisira wedzero huru iyo Jehovha zvino ari kupa muZimbabwe? Hungu, iripo zvirokwazvo, sezvatichatsanangura mundima dzinotevera.

16 Tsigiro Yokupera Kwevhiki Inopiwa Neungano Dzapedyo: Kuti tifambirane norudungwe rwebasa redu, tiri kushanda Pakuvaka Mugovera neSvondo. Naizvozvo tiri kutsamira zvikuru kwazvo patsigiro yeungano pakupera kwevhiki. Kuregererei kuriita basa remhuri? “Asi zvakadiniko nevana vedu?” ungabvunza. Nokuda kwechengeteko uye zvimwe zvikonzero, muitiro wedu ndewokushandisa avo bedzi vane makore 19 ezera nevapfuura Pakuvaka. Zvisinei, mitezo miduku yemhuri yenyu inogona kuva inobetsera mudzimwe nzira. Vanhu vaduku vari pakati pemazera e16 ne18 vanogamuchirwa kuzoshanda Pakuvaka asi vanofanira kutarisirwa navabereki. Tine urombo kuti hatigoni kuita gadziriro dzokuti vanhu vari pasi pamakore 16 vashande Pakuvaka. Naizvozvo tinokurudzira mhuri kuita gadziriro dzavaduku vakadaro kuti vatarisirwe pamusha kuitira kuti vasunungure vakawanda sevanobvira kuuya kukupera kwevhiki kwokushanda kweungano yenyu. Dzimwe hama dzakakumbira kushanda pano kupera kumwe kwevhiki mwedzi uri wose uye nokudaro dzakakwanisa kuita basa rinokosha mumugove webasa wenguva dzose.

17 Kunyange zvakadaro, kana uchigara pedyo neBheteri kana kuti kure, pane chimwe chinhu chatinogona tose kuita kuti tigoverane mukukura kwefariro dzoUmambo.

18 Kuwanira Mari Gadziriro dzaMwari: Vashanyi vanocherekedza gadziriro dzedu dzokuvaka kazhinji kazhinji vanobvunza, kuti: “Gadziriro dzeSosaiti dzinowanirwa sei mari?” Eya, gadziriro dzokuvaka dzomuna Israeri wekare dzaiwanirwa sei mari? Mhinduro ndeyokuti, kupfurikidza nevanhuwo zvavo vaiva nemwoyo yaivasunda kutsigira kunamatwa kwaJehovha. Funga nezvorudzi rwaIsraeri murenje apo tabhenakeri yakanga ichifanira kuvakwa. Hapana nomumwe wavo akanga achishanda. Vakanga vasina nzira yokutsiva nayo chinhu chipi nechipi chavakanga vapa nokuda Kwokuvaka. Bva, ivo vakanzwa sei pamusoro pegadziriro iyoyo? Nhoroondo yeBhaibheri iri pana Eksodho 35:21 inoti: “Vakauya, mumwe nomumwe wakamutswa nomwoyo wake, nomumwe nomumwe wakatendiswa nomweya wake, vakauya nechipo chaJehovha, chokubata basa retende rokusongana.” Ndima 22 inoratidza kuti ivo vakaunza zvinhu zvisingatsiviki zvendarama nesirivha nemhaka yokuti vakanga vane “mwoyo yakanga ichida.” Pakupedzisira ivo vakaunza “zvakawandisa,” vachikuita kuti kuve madikanwa kuti Mosesi arayire vanhu kuti vagogona ku“dziviswa.”—Eks. 36:4-7.

19 Gare gare, apo vakagara Munyika Yakapikirwa, tembere yakanga ichifanira kuvakwa. Panguva ino, rudzi rwacho rwakanga rwagadzikana uye rwabudirira. Ivo vaizonzwa sei zvino pamusoro pokutsigira kuvakwa kwetembere iyoyo yaidhura zvikuru? Ivo vakaratidzira mudzimu mumwe chetewo ‘womwoyo unodisa’ uyo wakanga uri pachena murenje. Bhuku raMakoronike Wokutanga ganhuro 29 rinotaura nzira iyo mambo namachinda vakapa nayo chitsama chakakura chendarama nesirivha. Vamwe vanhu vose vakapawo nomwoyo unofara. Ndima 9 inotaura kuti “vanhu vakafara zvavakapa nomwoyo wose, nokuti vakapa Jehovha nomwoyo wose wakarurama; namambo Dhavhidhiwo wakafara nomufaro mukuru.” Zvakare, mwoyo yavo yakavasunda. Ivo vakanga vachida kutsigira kunamata kwechokwadi zvichibva pamwoyo, uye kupa kwakadaro kwakavapa mufaro mukuru.

20 Mudzimu mumwe chetewo wakadudzwa naJesu pamusoro pechirikadzi iyo yakaisa mupiro muzvivigiro zvemari zvetemberi. Kunyange zvazvo mupiro wayo wakanga uri muduku zvikuru zvirokwazvo, mwoyo wayo wakaisunda kuti ipe “zva[y]aifanira kurarama nazvo.” (Ruka 21:1-4) Jesu akataura kuti vamwe vakapa kubva muzvomuraudzo zvavo. Kwavari kwakanga kusati kuri kurega zvimwe zvinhu; vakanga vasingafaniri kuzvinyima vamene chinhu chipi nechipi kuti vape. Asi mwoyo weiyi chirikadzi wakaisunda kupa zvose zvayakanga inazvo. Seratidziro yokuzvipira kwokuzvinyima imene, mupiro wayo wakanga uchikosha zvikuru kwazvo mumeso aJehovha.

21 Apo kunouya kukutsigira kufambisirwa mberi kwokunamata kwechokwadi nhasi, vakawanda vakafanana nevaIsraeri vaya vane mwoyo yakavasunda. Ivo vanoratidzira mudzimu mumwe chetewo sowechirikadzi iyo yakapa ‘mukushayiwa kwayo.’ Tinosanoziva kuti vakawanda vanopa zvichibva mumwoyo yavo—kwete chete chitsama chiduku chinobva muzvomuraudzo zvavo. Nokuda kwavakawanda, kupa kwavo zvirokwazvo kurega zvimwe zvinhu. Ivo kazhinji kazhinji vanozvinyima vamene zvinodikanwa zvakati, kwete chete zvinodikanwawo hazvo, kuti vatsigire basa raJehovha. Tinoratidza kuonga kwapachokwadi uye kunzwisisa nokuda kwokupa kunofadza kwakadaro. Ndeapo tinofanira kurega zvimwe zvinhu chaizvoizvo kuti tipe, apo tinofanira kuzvinyima timene zvimwe zvinhu, apo kunogamuchirika zvikuru kuna Jehovha. Jehovha “anoda munhu uyo anofara kupa.”—2 VaK. 9:6, 7, Smith-Goodspeed.

22 Pave pane zviitiko zvakawanda apo hama dzedu dzaka‘fara kupa,’ uye dzakava dzinoshamiswa pane icho vaigona kuita nechikomborero chaJehovha. Somuenzaniso, mukuvamba kwama1980 bazu romuSpain rakanga richida kukudza zvivako zvaro. Mutumbi Unodzora wakanga usingakwanisi kugovera mari yaidikanwa. Mubvunzo zvino wakanga uri: Zvapupu zvomuSpain, nemibhadharo yazvo yakaderera zvikuru, zvaigona kugovera mari yakakwana nokuda kwebasa rakadaro here?

23 Hungu, mukutevedzera vaIsraeri murenje, Zvapupu zvomuSpain zvakaratidzira chimiro chendangariro chorupo uye ‘chomwoyo unodisa.’ Vakanga vasingangokwanisi bedzi kupa zvose zvakanga zvichidikanwa mune zvokunyama, asi ivo vakazvipa vamene kuti basa riitwe. Ivo vakauya vari zviuru. Vamwe vakauya nguva yakazara, vamwe vakashanda mukati mezororo uye pakupera kwevhiki. Asi ivo vakashanda! Somugumisiro womudzimu wavo wokuzvinyima, ‘womwoyo unodisa,’ ivo vakakwanisa kupedza icho pakutanga chairatidzika sokunge basa risingabviri.

24 Ndiwo mudzimu iwoyo umene uye chimiro chendangariro chomwoyo chavanhu vaJehovha icho chinogonesa Sosaiti kuwana mari yebasa rokuparidza uye gadziriro dzemapazu idzo dziri kuitwa zvino. Kwakanaka naizvozvo kuti mumwe nomumwe wedu arangarire chimiro chake amene chendangariro chokupa nguva nenguva. Seizvo Pauro akataura mubhuku ra2 VaKorinte 9:7, mumwe nomumwe anofanira kusarudza mumwoyo make amene kuti iye achapa kusvika kutambanukoi—asingaiti kudaro “nokuchema, . . . nokuti Mwari unoda munhu unopa nomufaro.” Kwakakodzera kuti tose zvedu tizvibvunze timene, kuti: Kana kuwanirwa mari yebasa roUmambo kuchitsamira pamudzimu uyo ini pachangu ndinopa nawo, zvinodikanwa zvose zvingagona kusvitswa here? Ndiri kurega zvimwe zvinhu chaizvoizvo here? Kana kuti ndiri zvangu kungopa zvishoma zvinobva muzvomuraudzo zvangu kuti nditsigire basa raJehovha here? Mwoyo wangu unondisunda kutsigira basa raJehovha zvizere here?

25 Hama dzakawanda dzinoda kutumira mipiro yadzo yomunhu oga yebasa roUmambo uye Rokuvaka zvakananga kuSosaiti. Tinoonga zvikuru mipiro yose yakadaro uye tinobvuma kugamuchira mumwe nomumwe kupfurikidza netsamba.

26 Sezvinobvumwa, pane nharaunda dzakawanda dzinoda tsigiro yako yemari. Idzodzi dzinobatanidza Horo yoUmambo yenyu mumene, basa roUmambo rokuparidza munyika yose, pamwe chete nebasa Rokuvakwa Kwebazu reSosaiti. Ikoku kunoda kuti uchengete dzikamo yako uye uite zvaunokwanisa kuita. Tapota iva nechokwadi chokuti, chipi kana chipi icho mwoyo wako unokusunda kuita, Sosaiti inoonga tsigiro yako yenguva dzose. Tinoziva kuti upenyu hahusi nyore nokuda kwavakawanda venyu. Vamwe vanorwisa kuti ‘vararame’ nemhaka yendyiko yakawedzerwa yezvokurarama nazvo, kusanaya kwemvura yakakwana kuripo zvino uye dzvinyiriro dzinobva munyika. Ndokusaka mumwe nomumwe achifanira kusarudza mumwoyo make kuti kutambanukoi uko iye anogona kutsigira Sosaiti mukutarisira basa roUmambo. Kunyange zvakadaro, tinogona kuva nechokwadi chorudo rwaJehovha apo tinoita izvo tinogona kufambisira mberi fariro dzoUmambo.

27 Ndirini Apo Wakapedzisira Kushanyira Bheteri? Sezvo unofungisisa nenzira yokunyengetera iyi mifungo, tingada kukukoka kuti uuye kuzoona chiri kuitika paBheteri uye Pakuvaka.

28 Soromoni nenzira yokuchenjera akati: “Kana Jehovha asingavaki imba, vavaki vayo vanobata pasina.” (Pis. 127:1) Hungu, pasina mudzimu waJehovha nechikomborero, basa redu paBheteri ringava pasina. Naizvozvo, hama, tinokumbira nenzira yokuzvininipisa kuti mupfuurire kunyengeterera nhungamiro yaJehovha pairi basa rose rakakosha zvikuru. Kupfuura chinhu chiri chose icho mwoyo yenyu inokusundai kuita, munogona kuratidza tsigiro yenyu inopfuurira yeBheteri kupfurikidza neminyengetero yenyu yenguva dzose, yomwoyo wose. Mwari wedu Jehovha ngaakomborere basa rokuzvipira ravabatiri vake ‘vane mwoyo unodisa’ kurumbidzo isingagumi uye rukudzo kuzita rake guru uye rakakurumbira.

[Bhokisi riri papeji 5]

BHOKISI REHWIRUDZURO

● Neiko pane dikanwo yokukurumidzira yavazvipiri vakawanda Pakuvakwa Kwebazu?

● Igadziriroi uye zvikomboreroi zvinofarikanywa paBheteri uye Pakuvaka?

● Ndedzipi dzimwe nzira idzo tinogona nadzo kupa tsigiro inopfuuridzirwa Kubazu?

[Bhokisi riri papeji 6]

UNOYEUKA HERE?

● Ndivanaani vanogona kubetsera Pakuvaka?

● Chii chatinodzidza muvabatiri vaMwari vomunguva dzekare? Munguva dzazvino uno?

● Tose tinogona sei kupa purogiramu Yokuvaka tsigiro yedu inopfuuridzirwa?

[Mufananidzo uri papeji 3]

Nzvimbo yebazu idzva reZimbabwe

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe