“Itai Izvi Muchindirangarira”
1 Vanhu vanowanzoita kuti zvinhu zvinokosha zvishaye ukoshi nokufamba kwenguva. Ichi ndicho chikonzero chimwe nei, paakatanga “chirayiro chaShe,” Jesu akarayira vadzidzi vake kuti: “Itai izvi muchindirangarira.” Kubva panguva iyoyo, pamusi wegore negore wokuchengetwa kworufu rwaJesu, vaKristu nokuteerera vakaramba vachi“paridza rufu rwaShe, kusvikira achiuya.”—1 VaK. 11:20, 23-26.
2 Nokukurumidza zvikuru, Jesu achagamuchira mumatenga vakasarira ve“kapoka kaduku” vari kuramba vachiderera. (Ruka 12:32; Johane 14:2, 3) Gore rino vakasarira vevakazodzwa pamwe chete neboka guru riri kuramba richiwedzera re“mamwe makwai” vachava zvekare neropafadzo yokuchengeta Chirayiro chaShe, musi waApril 11. (Joh. 10:16; Zvak. 7:9, 10) Kuonga rudo rukuru rwaJehovha mukutumira Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi nokuda kworudzi rwomunhu kuchasimbiswa. Muenzaniso waJesu uchasimbiswa, rudo rwake, kutendeka kwake kusvikira kurufu mukugovera rudzikinuro, uye kutonga kwake zvino saMambo woUmambo hwaMwari hwakagadzwa, pamwe chete nezvikomborero zvichaunzwa noUmambo kurudzi rwomunhu. Chokwadi inhambo yokuyeuka!
3 Gadzirira Zvino: Tose zvedu ngatiite kuti nguva ino yeChirangaridzo ive yomufaro mukuru nokuonga kwatiri uye kuavo vachasonganirana nesu. Tinogona kugadzirira mwoyo yedu kupfurikidza nokurava zvekare nhoroondo dzeBhaibheri pamusoro pemazuva mashomanene okupedzisira oushumiri hwaJesu uye zviitiko zvakatungamirira kurufu rwake. Fundo yedu yemhuri mavhiki anoverengeka Chirangaridzo chisati chasvika ingatsaurirwa kukuhwirudzura maganhuro 112-116 mubhuku raMunhu Mukurusa.
4 Vangani vaunoziva vangauya kuChirangaridzo kana ukatanga kuvaka kuonga kwavo chiitiko ichi, ukavakoka, uye ukavaita kuti vanzwe vachigamuchirwa? Ita ndaza zvino, uye ita zvaunogona kuvabetsera kuti vauye. Pashure pezvo, vabetsere kuramba vachikura mumudzimu kupfurikidza nokuvakurudzira kupinda misangano nguva dzose.
5 Munguva yeChirangaridzo, gadziriro chaidzo dzichaitwa dzokuwedzera mikana yomunhu wose yokuparidza. Nokuronga kwakanaka, unogona kuita upiyona hwebetsero muna April kana kuti May here? Imwe yenzira dzakanakisisa yokuratidza nayo kuti tinoyeuka nokuonga zvose zvinoreva chibayiro chaJesu kwatiri kutaura pamusoro paMwari wedu, Jehovha, uye pamusoro pezvikomborero zvichaunzwa nokutonga kwoUmambo hweMwanakomana wake.—Pis. 79:13; 147:1.