Shandisa Maturakiti Pakuparadzira Mashoko Akanaka
1. Vanhu vaMwari vave vachishandisa sei maturakiti?
1 Vanhu vaJehovha vave vachishandisa maturakiti pakuparadzira mashoko akanaka kubvira kare. Muna 1880, C. T. Russell nevamwe vake vakatanga kubudisa maturakiti ainzi Bible Students’ Tracts (ayo akazopedzisira ava kunzi Old Theology Quarterly), uye aipiwa vaverengi veNharireyomurindi kuti vapewo veruzhinji. Maturakiti aikosheswa zvikuru zvokuti muna 1884, C. T. Russell akanyoresa zviri pamutemo sangano, nechinangwa chokufambisira mberi basa roUmambo. Sangano iri rakanzi Zion’s Watch Tower Tract Society, asi iye zvino rava kunzi Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania. Shoko rokuti “tract” rinowanikwa pazita resangano. Pakazosvika 1918, Vadzidzi veBhaibheri vakanga vaparadzira maturakiti anopfuura mamiriyoni 300. Maturakiti achiri kungoshandiswa zvinobudirira nanhasi.
2. Sei maturakiti achifarirwa?
2 Chinoita Kuti Maturakiti Afarirwe: Maturakiti ane mavara anoyevedza anoita kuti munhu afarire kuaverenga. Mashoko mashoma arimo anobaya mwoyo uye anodzidzisa. Anofarirwa navanasaimba vangave vachizeza kuverenga magazini kana bhuku. Vaparidzi vagara nebasa, vatsva uye vana vanoona zviri nyore kugovera maturakiti. Chimwewo chinoita kuti zvive nyore ndechokuti maturakiti madiki uye ari nyore kutakura.
3. Taura zvakaitika zvaunoziva kana zvimwe zvawakaverenga zvinoratidza kukosha kwematurakiti.
3 Vanhu vakawanda vakatanga kudzidza chokwadi pamusana peturakiti ravakawana. Somuenzaniso, mumwe mukadzi wokuHaiti akaona rimwe rematurakiti edu mumugwagwa. Akarinhonga ndokuriverenga, achibva ati, “Ndawana chokwadi!” Akazoenda kuImba yoUmambo, akatanga kudzidza Bhaibheri ndokuzobhabhatidzwa, zvose izvi zvakakonzerwa nesimba reShoko raMwari raiva muturakiti.
4. Chinangwa chedu ndechei pazvinonzi mwedzi uno ndewekugovera maturakiti?
4 Paimba Neimba: Sezvo maturakiti achifarirwa zvikuru patinoparidza, achapota achigoverwa mune mimwe mwedzi kutanga muna November. Chinangwa chedu hachisi chokungopa vanhu maturakiti, asi ndechokuti tiwane pokutangira kuti tikurukure nemunhu. Kana munhu akafarira patinotanga kukurukura naye kana kuti patinodzokera, tinogona kumuratidza kuti tinodzidza sei Bhaibheri tichishandisa bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei? kana rimwe bhuku ratinoshandisa pakudzidza Bhaibheri. Tingagovera sei maturakiti paimba neimba? Misoro yematurakiti yakasiyana-siyana, saka tinofanira kunyatsoziva zvinotaurwa neatinenge tichigovera.
5. Tingagovera sei maturakiti paimba neimba?
5 Mharidzo yedu inofanira kuenderana nendima yatinenge tichishanda uye neturakiti ratinenge tichishandisa. Tinogona kutanga nokupa saimba turakiti. Mifananidzo iri pekutanga inogona kuita kuti afarire. Kana kuti tinogona kumuratidza maturakiti akasiyana-siyana tomuudza kuti asarudze raanofarira. Kana tichishanda mundima ine vanhu vanozeza kuvhura madhoo avo, tinogona kubata turakiti racho nenzira inoita kuti saimba aone mufananidzo uripo, kana kuti tingamuudza kuti tiri kuda kupfekera turakiti pasi pedhoo uye tingada kunzwa zvaari kufunga nezveturakiti racho. Kana musoro weturakiti racho uri mubvunzo, tinogona kumubvunza kuti anofungei. Tinogonawo kumubvunza mubvunzo unoita kuti afarire uye ade zvekukurukura. Tinogona kubva taverenga zvimwe zviri muturakiti racho, tichimbomira zvishoma pane mibvunzo uye tokumbira saimba kuti ataure zvaanofunga. Magwaro anoratidza panobva zvatinotenda angaverengwa kubva muBhaibheri. Kana tapedza kukurukura zvimwe zviri muturakiti, tinogona kubva taronga kuzodzokazve. Kana ungano ichiwanzosiya magazini padzimba dzinenge dzisina vanhu, tinogona kusiya turakiti parisingaonekwi nevanenge vachipfuura kana tashaya saimba.
6. Tingashandisa sei maturakiti patinenge tichiparidza mumugwagwa?
6 Kuparidza Mumugwagwa: Wakamboshandisa maturakiti uchiparidza mumugwagwa here? Vamwe vanhu vanenge vachimhanya-mhanya uye vasingadi kumira kuti vataure nesu. Zvakaoma kuti uzive kuti munhu wacho anofarira zvakadini. Saka, pane kumupa magazini emwedzi iwoyo iwe usingazivi kuti achazoaverenga here, wadii kumupa turakiti? Sezvo turakiti riine mufananidzo unoyevedza uye mashoko mashoma, kuda kuziva kungaita kuti vanhu variverenge pavachawana kamukana. Kana vasiri kumhanya-mhanya, tinogona kukurukura navo zviri muturakiti racho.
7. Taura zvakaitika zvinoratidza kuti maturakiti angashandiswa sei pakuparidza zvisina kurongwa.
7 Kuparidza Zvisina Kurongwa: Zviri nyore kuparidza zvisina kurongwa tichishandisa maturakiti. Imwe hama inoisa maturakiti mashoma muhomwe pose painobuda mumba. Painosangana nemumwe munhu, angava mushandi wemuchitoro, inongomuudza kuti inoda kumupa chimwe chinhu chokuverenga yobva yamupa turakiti. Mumwe murume nemudzimai wake pavakaenda kuNew York City kumbonoona nzvimbo dzinoyevedza, vakaziva kuti vaizosangana nevanhu vanobva munyika dzakawanda. Saka vakatakura kabhuku kanonzi Good News for People of All Nations pamwe chete nematurakiti emitauro yakasiyana-siyana. Saka, pavainzwa munhu achitaura mutauro wokune imwe nyika achitengesa kana kuti akagara pedyo navo mupaki kana muresitorendi, vaibva vamugovera turakiti remutauro waamai vake.
8. Maturakiti akafanana nembeu pakudini?
8 “Dyara Mbeu Yako”: Maturakiti anogona kufananidzwa nembeu. Murimi haaiti zvokuomera paanodyara mbeu yake nokuti haazivi kuti ndeipi ichamera yotumbuka. Muparidzi 11:6 inoti: “Dyara mbeu yako mangwanani uye usarega ruoko rwako ruchizorora kusvikira manheru; nokuti hauzivi kuti zvichabudirira kupi, kuno here kana kuti uko, uye kana zvose zvazvo zvichava zvakanaka.” Saka, ‘ngatirambei tichiparadzira zivo’ tichishandisa maturakiti.—Zvir. 15:7.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 3]
Sezvo maturakiti achifarirwa zvikuru patinoparidza, achapota achigoverwa mune mimwe mwedzi kutanga muna November.