Kubatira Ura Mumaoko
“Dzimwe nguva ndinorota ndiine makumbo maviri zvekare. . . . Makore akapfuura, pandakanga ndichiri muduku zvikuru, ndakaenda kunotamba neshamwari dzangu pedyo nemba yangu. Chiriporipocho ‘TIGUU’ . . . Gumbo rangu rokurudyi rose rakaputikirwa.”—Song Kosal, ane makore 12, muCambodia.
Zuva rimwe nerimwe, paavhareji, vanhu vanenge 70 vanoremadzwa kana kuurawa nezvimbambaira. Vanhu vakawanda vakaurawa havasi varwi. Asi, vanhuwo zvavo—varume vanenge vachifudza mombe, vakadzi vanenge vachichera mvura, uye vana vanenge vachitamba. Somuenzaniso, Rukia ane makore masere, ari pabutiro remagazini ino, akaremadzwa nechimbambaira chakauraya hanzvadzi dzake nhatu natete vake.
Chimbambaira chinogona kuramba chichishanda kweanopfuura makore 50 kubva pachakateyiwa. Saka, “ndicho chombo choga chiripo chinouraya vanhu vakawanda pashure pokunge hondo yapera kukunda kana ichiri kurwiwa,” inodaro The Defense Monitor. Hapana anoziva kuti zvimbambaira zvingani zvakateyiwa mupasi rose. Kazhinji tinonzwa kufungidzira kwokuti zvinenge mamiriyoni 60. Chokwadi, zvimbambaira zvakawanda zviri kubviswa. Zvisinei, nguva pfupi yapfuura, muna 1997, United Nations yakashuma kuti “pachimbambaira chose chinobviswa, 20 zvinoteyiwa. Muna 1994, zvinenge 100 000 zvakabviswa, nepo zvimwe zvine mamiriyoni 2 zvakateyiwa.”
Nei zvimbambaira zvichidiwa kwazvo nevakuru vakuru vemauto akazvimirira mazuva ano? Mutengo wacho uye kurwadziwa kwenzanga ndekupi? Vapukunyuki vanorwadziwa zvakadini? Pasi redu richazombova risina zvimbambaira here?
[Vakatipa Mifananidzo iri papeji 3]
© ICRC/David Higgs
Copyright Nic Dunlop/Panos Pictures