CHITSAUKO 1
Ndagadzirira Kufambidzana Nomumwe Munhu Here?
“Ndinonzwa sokuti ndini ndoga ndisina wokufambidzana naye. Kunewo vakomana vakanaka vakawanda.”—Whitney.
“Vamwe vasikana ndivo vanototanga kupfimba vakomana, uye zvakaoma kuti ndirambe. Asi kana ndikabvunza vabereki vangu, ndinoziva zvavachapindura.”—Phillip.
KUNZWA uchida kuva nomumwe munhu anokutora mwoyo—uye kuva nomumwe munhu anofunga kuti ndiwe chete unokosha kwaari—kunogona kusimba zvikuru, kunyange paunenge uchiri muduku chaizvo. Jenifer anoyeuka kuti, “Ndakatanga kunzwa ndichida zvikuru kuva nomukomana pandaiva nemakore 11.” Brittany anoti: “Unonzwa sokuti hausi munhu kana usingafambidzani nomumwe munhu kuchikoro!”
Ko iwe? Wagadzirira kufambidzana nomumwe munhu here? Kuti tipindure mubvunzo uyu, tinofanira kutanga takurukura mumwe mubvunzo unokosha zvikuru:
“Kufambidzana Nomumwe Munhu” Kuita Sei?
Maka mhinduro yako pamibvunzo inotevera:
Unogara uchivhakacha nomumwe mukomana kana kuti musikana. Muri kufambidzana here?
□ Hungu
□ Kwete
Iwe nomumwe mukomana kana kuti musikana munoda kugara muchingova mose. Munotumirana tsamba paserura kana kuti kufonerana kakawanda pazuva. Muri kufambidzana here?
□ Hungu
□ Kwete
Pose pamunenge muine shamwari dzenyu, imi vaviri munopedzisira mava penyu moga. Muri kufambidzana here?
□ Hungu
□ Kwete
Ungangove usina kunetseka nokupindura mubvunzo wokutanga. Asi ungangove wambomira zvishoma usati wapindura wechipiri newechitatu. Chii chaizvo chinombonzi kufambidzana nomumwe munhu? Chokwadi, kufambidzana nomumwe munhu kutandadzana naye uchiratidza kuti unomuda uye kuti iye anokudawo. Saka mhinduro yemibvunzo yose mitatu iri pamusoro apa ndeyokuti hungu. Pangava pafoni kana kuti uine munhu wacho, zvimwe pane vanhu kana kuti kwete, kana iwe naye muchinzwa kuti munokwezvana uye munogara muchikurukurirana, muri kufambidzana. Wagadzirira kuita izvozvo here? Kukurukura mibvunzo mitatu kuchakubatsira kuti uzive.
Nei Uchida Kufambidzana Nomumwe Munhu?
Mutsika dzakawanda kufambidzana nomumwe munhu kunogamuchirwa senzira yokuti vanhu vaviri vazivane zviri nani. Asi kufambidzana kunofanira kuva nechinangwa chakanaka—chokubatsira mukomana nomusikana kuona kana zvakakodzera kuti varoorane.
Ichokwadi kuti vamwe vezera rako vangave vachiona kufambidzana senyaya yokutamba nayo. Zvichida vanongonakidzwa nokuva neshamwari yepedyo yechikomana kana kuti yechisikana asi vasina chinangwa chokuroorana. Vamwe vangatoona shamwari yakadaro somunhu wokushamisira naye pane vamwe kana kuti anoita kuti vave nomukurumbira uye varemekedzwe. Zvisinei, kazhinji kushamwaridzana kwakadaro ndokwenguva pfupi. Mumwe musikana anonzi Heather anoti, “Vechiduku vakawanda vanofambidzana nomumwe munhu vanosiyana pashure pevhiki imwe kana kuti mbiri. Vanoona kufambidzana nomumwe munhu sechinhu chinongopfuura zvacho—chinganzi chinoita kuti vagadzirire kuzorambana pane kuroorana.”
Zviri pachena kuti kana uchifambidzana nomumwe munhu, zvinenge zvichitomubata-bata. Saka iva nechokwadi chokuti vavariro dzako dzakanaka. Chimbofunga izvi: Waizoda here kuti mumwe munhu atambe nemanzwiro ako sokunge kuti chitoyi chomwana—chinonhongwa kwekanguva chobva chakurumidza kusiyiwa? Mumwe wechiduku anonzi Chelsea anoti: “Dzimwe nguva ndimbofunga kuti kufambidzana nomumwe munhu kunofanira kungoitwa zvokungonakidzwa, asi hazvizonakidzi kana mumwe munhu achizvikoshesa asi mumwe asingadaro.”
Une Makore Mangani?
Unofunga kuti izera ripi rakakodzera rokuti wechiduku atange kufambidzana nomumwe munhu? ․․․․․
Zvino chibvunza mumwe wevabereki vako kana kuti vose mubvunzo iwoyo, uye wonyora mhinduro yavo. ․․․․․
Zvingangodaro kuti makore awanyora pokutanga mashoma pane awanyora pechipiri. Kana kuti hazvina kudaro! Zvimwe uri mumwe wevechiduku vakawanda vari kumbomira kufambidzana nomumwe munhu kusvikira vakura zvokunyatsoziva zvavanoda. Ndizvo zvakaitwa naDanielle ane makore 17. Anoti: “Ndichifunga zvandaizotarisira kune wandaizoda kuroorana naye makore maviri adarika ndinoona zvakasiyana chaizvo nezvandingatarisira iye zvino. Kutaura zvazviri, kunyange panguva ino handifungi kuti ndati ndava kukwanisa kunyatsosarudza. Pandinenge ndava kunzwa kuti ndave ndakatsiga kwemakore anoverengeka, ndipo pandichazofunga nezvokufambidzana nomumwe munhu.”
Pane chimwe chikonzero nei kuri kuchenjera kuti munhu amirire. Bhaibheri rinoshandisa shoko rokuti ‘kuyaruka’ richirondedzera nguva inotanga kusimba manzwiro okuda kuita zvepabonde uye okudanana nomumwe munhu. (1 VaKorinde 7:36) Kuva noushamwari hwepedyo nomumwe munhu paunenge uchiri kuyaruka kungawedzera chido chokuda kuita zvepabonde uye kungaita kuti uite zvakaipa. Chokwadi, vezera rako vangaona izvozvo sezvisina basa. Vakawanda vavo vanoda kuziva kuti zvepabonde zvinomboita sei chaizvo. Asi unogona kukurira mafungiro akadaro! (VaRoma 12:2) Kutaura zvazviri, Bhaibheri rinokukurudzira kuti “utize unzenza.” (1 VaKorinde 6:18, New International Version) Unogona ‘kudzivisa dambudziko’ kana ukamirira kusvikira wayaruka.—Muparidzi 11:10.
Wagadzirira Kuroora Kana Kuroorwa Here?
Kuti ugone kupindura mubvunzo uyu, chimbozviongorora. Funga zvinotevera:
Ukama. Unobata sei vabereki vako nevana vaamai vako? Kazhinji unotadza kuzvidzora paunotaura navo here, zvichida uchitaura navo nehasha kana kuti uchimbotsvinya kuti utaure zvaunofunga? Ivo vangati chii nezvako panyaya iyi? Mabatiro aunoita vomumhuri yako anoratidza zvauchaitawo kune waucharoorana naye.—Verenga VaEfeso 4:31.
Zvauri. Une maonero akanaka here kana kuti kwete? Unonzwisisa here, kana kuti nguva dzose unongoda kuti zvinhu zviitwe neimwe nzira—nzira yako? Unogona kuramba wakadzikama here mumamiriro ezvinhu akaoma? Unoshivirira here? Kukudziridza chibereko chomudzimu waMwari iye zvino kuchakubatsira kuti ugadzirire kuzova murume kana kuti mudzimai.—Verenga VaGaratiya 5:22, 23.
Mari. Unoshandisa sei mari? Unogara uine zvikwereti here? Unogona kuchengetedza basa here? Kana usingagoni, nei zvakadaro? Imhaka yebasa racho here? waunoshandira here? Kana kuti imhaka yekamwe katsika kaunofanira kugadzirisa here? Kana usingakwanisi kushandisa mari uri woga, uchachengetedza sei yemhuri yako?—Verenga 1 Timoti 5:8.
Zvokunamata. Kana uri mumwe weZvapupu zvaJehovha, unhu hupi hwechiKristu hwauinahwo? Unonzwa uchida kuverenga Shoko raMwari, kuita ushumiri, uye kuva nezvaunoitawo pamisangano yechiKristu here? Munhu waucharoorana naye anongodawo munhu akakura mune zvokunamata.—Verenga Muparidzi 4:9, 10.
Zvaunogona Kuita
Kunzwa uchida zvikuru kufambidzana nomumwe munhu usati wagadzirira kungafanana nokumanikidzwa kunyora zamanishoni rokupedzisira rekosi yauchangobva kutanga. Zviri pachena kuti ikoko kunenge kuri kubatirana! Unoda nguva yokudzidza chidzidzo chaunoita kuitira kuti ugoziva zvauchasangana nazvo pabvunzo yacho.
Zvakafanana nokufambidzana nomumwe munhu. Sezvataona, kufambidzana nomumwe munhu haisi nyaya yokutamba nayo. Saka usati wagadzirira kufambidzana nomumwe munhu, unofanira kuzvipa nguva yokudzidza “nyaya” inokosha zvikuru—kuumba ushamwari. Paunozowana munhu akakodzera, uchakwanisa kuumba ukama hwakasimba. Chokwadi, imba inobudirira mubatanidzwa weshamwari mbiri dzakanaka.
Kumbomira kufambidzana nomumwe munhu hakukanganisi rusununguko rwako. Asi kuchaita kuti uve norusununguko rwakawanda ‘rwokufara uchiri muduku.’ (Muparidzi 11:9) Uye uchawana nguva yokugadzirira nokuvandudza unhu hwako uye, zvinonyanya kukosha, kuvandudza zvinhu zvine chokuita nokunamata.—Mariro 3:27.
Panguva iyi, unogona kufadzwa nokushamwaridzana nevakomana kana kuti nevasikana. Inzira ipi yakanakisisa yokuita izvozvo? Shamwaridzanai mumapoka ane vakomana nevasikana nevamwe vanhu vakuru. Mumwe musikana anonzi Tammy anoti: “Ndinofunga kuti zvinonakidza zvikuru kuita kudaro. Zviri nani kuva neshamwari dzakawanda.” Monica anobvumirana nazvo. Anoti: “Kushamwaridzana mumapoka ipfungwa yakanaka zvikuru nokuti unokwanisa kuona vanhu vane unhu hwakasiyana-siyana.”
Kusiyana neizvi, kana ukakurumidza kuisa pfungwa dzako pamunhu mumwe chete, unenge uchiita zvinhu zvinozokurwadza. Saka zvipe nguva. Shandisa nguva iyi youpenyu hwako kudzidza nzira dzokutanga ushamwari uye kuhuchengetedza. Kana ukazosarudza kufambidzana nomumwe munhu, uchange wava kuzviziva iwe pachako uye zvaunoda pamunhu wauchagara naye kwoupenyu hwose.
VERENGA ZVAKAWANDA NEZVENYAYA IYI MUBHUKU 1, ZVITSAUKO 29 NE30
Uri kuedzwa kuti ufambidzane nomumwe munhu here vabereki vako vasingazvizivi? Kuita izvi kune ngozi dzakawanda kupfuura zvaungafungidzira.
RUGWARO RUNOBUDISA PFUNGWA HURU
“Munhu ane njere anofunga nezvenhanho dzake.”—Zvirevo 14:15.
ZANO
Kuti ugadzirire kufambidzana nomumwe munhu uye kuzoroorana naye, verenga 2 Petro 1:5-7 uye sarudza unhu humwe chete hwaunoda kushandira pahuri. Mumwedzi mumwe chete, ona kuti unenge wadzidza zvakawanda zvakadini nezvounhu hwacho uye kuti wahuvandudza zvakadini.
WAIZVIZIVA HERE KUTI . . . ?
Ongororo dzakawanda dzinoratidza kuti vaviri vanoroorana vari pasi pemakore 20 vangangorambana vasati vapedza makore mashanu.
ZVANDINORONGA KUITA!
Kuti ndigadzirire kuroora kana kuroorwa, ndinofanira kushandira paunhu hunotevera: ․․․․․
Ndinogona kushandira paunhu uhwu noku- ․․․․․
Izvi ndizvo zvandingada kubvunza vabereki vangu nezvenyaya iyi ․․․․․
UNOFUNGEI?
● Ndepapi pakakodzera kuti ushamwaridzane nevakomana kana vasikana?
● Ungabatsira sei mwana waamai vako anoda kufambidzana nomumwe munhu asi achiri muduku zvakanyanya kuita izvozvo?
● Kana uchifambidzana nomumwe munhu asi usina chinangwa chokuroorana naye, izvozvo zvingaita kuti munhu wacho anzwe sei?
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 18]
Ndinofunga kuti unofanira kufambidzana nomumwe munhu kana uchinyatsoda munhu wacho uye uchiona kuti munogona kuva neramangwana rakanaka pamwe chete. Une hanya nomunhu wacho kwete chete kungoda zvokufambidzana.’’—Amber
[Mufananidzo uri papeji 16, 17]
Kana uchifambidzana nomunhu usina chinangwa chokuzoroorana naye, uri kuita somwana anotamba nechitoyi chitsva asi wozochirasa