Shandisa jw.org Muushumiri
Nzvimbo yedu yepaIndaneti inotibatsira kusvitsa mashoko akanaka “kurutivi ruri kure kwazvo rwenyika.” (Mab. 1:8) Vanasaimba vakawanda havaendi pajw.org kana vasati vambonzwa nezvayo. Asi vanotozoiziva kana mumwe muparidzi avaudza nezvayo.
Mumwe mutariri anofambira akashandisa foni yake kutora vhidhiyo yaNei Uchifanira Kudzidza Bhaibheri? pajw.org uye anoiratidza vanhu paanongowana mukana. Somuenzaniso paanenge achiparidza paimba neimba, anoti: “Ndiri kutaura nevanhu kwenguva pfupi ndichivabatsira kuwana mhinduro dzemibvunzo mitatu inokosha inoti: Nei munyika muine matambudziko akawanda? Mwari achaagadzirisa sei? Uye iye zvino chii chatingaita kuti titsungirire? Vhidhiyo pfupi yandinayo inopindura mibvunzo iyi.” Anobva abaya bhatani rekuti vhidhiyo yacho itange kubuda, omirira kuona kuti saimba wacho anoita sei. Vhidhiyo yacho inobata pfungwa dzevakawanda zvokuti vanobva varamba vakaitarisa kusvikira yapera. Mutariri wacho anofambira anobva ati: “Matozvinzwira kuti munogona kukumbira kudzidza Bhaibheri paIndaneti. Sezvo ndiri pano, ndinogona kumbokuratidzai munguva pfupi kuti chidzidzo cheBhaibheri chinoitwa sei.” Kana saimba wacho akabvuma, mutariri uyu anobva aenzanisira achishandisa bhurocha raMashoko Akanaka. Kana saimba asina nguva, anobva aronga naye kuti vazoita izvi pavanozoonana zvekare. Paanoenda kuresitorendi achimbonozorora, anotaura zvimwe chetezvo kumunhu anenge akagara pedyo naye, pashure pekunge ambokurukura naye noushamwari. Uri kushandisawo jw.org muushumiri here?