‘Zita raMwari Ngaritsveneswe’
1. Gungano redunhu regore rebasa ra2012 richange rine musoro upi uye uchabva papi?
1 Takakomborerwa chaizvo kudanwa nezita raChangamire Wezvinhu Zvose, Jehovha. Jehovha mbune ndiye akaita kuti tidanwe nezita rake rinomusiyanisa nevamwe, zvokuti kubvira mugore ra1931 zita ratinozivikanwa naro nderokuti Zvapupu zvaJehovha. (Isa 43:10) Mwanakomana waMwari akaberekwa ari mumwe oga, Jesu, akaremekedza chaizvo zita raMwari uye ndiro raakatanga kutaura nezvaro mumunyengetero waakadzidzisa vateveri vake. (Mat. 6:9) Musoro wegungano redunhu mugore rebasa ra2012 uchange uchibva pamashoko akataurwa naJesu. Uchange uchiti “Zita raMwari Ngaritsveneswe.”
2. Zvii zvatiri kutarisira kuzonzwa?
2 Zvatichanzwa: Musi woMugovera hurukuro ine musoro unoti “Itai Kuti Zita raMwari Rizivikanwe Sevashumiri Venguva Yakazara,” ichakurukura kuti sei kuita basa renguva yakazara kuchigutsa. Tichanzwawo hurukuro yokusiyirana inoti “Ngwarira Kuita Kuti Zita raJehovha Risazvidzwa,” iyo ichatibatsira kuti tisabatwa nezviteyeso zvina. Hurukuro inoti “Nei Zita raMwari Richifanira Kutsveneswa” ichapindura mibvunzo miviri. Wokutanga, “Chii chichatibatsira kuti tishingaire pakuparidza kana vanhu vachiratidza sokuti havasi kufarira mashoko edu?” uye wechipiri, “Chii chichatibatsira kuti tinyatsoita ushumiri hwedu nomazvo.” Musi weSvondo tichanakidzwa nokuteerera hurukuro yokusiyirana ine zvikamu zvina, ichakurukura kuti tingatsvenesa sei zita raMwari nezvatinofunga, zvatinotaura, zvatinosarudza uye mararamiro edu. Vanofarira vanenge varipo vachanakidzwa nehurukuro ine musoro unoti “Jehovha Achatsvenesa Zita Rake Guru paAmagedhoni.”
3. Iropafadzo ipi yatinayo, uye purogiramu iyi ichatibatsira sei?
3 Kwasara nguva pfupi kuti Jehovha atsvenese zita rake. (Ezek. 36:23) Tichakamirira kuti nguva iyi isvike, tine ropafadzo huru chaizvo yokutsigira zvinorehwa nezita dzvene raJehovha. Tine chokwadi chokuti gungano redunhu iri richatibatsira tose kuti tinyatsoita zvose zvatinogona sevanhu vanodanwa nezita raMwari.