Mharidzo Dzokuenzanisira
Pamushandirapamwe Wokukoka Vanhu kuChirangaridzo
“Tauya kuzokupai imi nemhuri yenyu pepa iri rekukukokai kuchiitiko chinokosha chinoitwa kamwe chete pagore pasi rose chichaitwa musi wa26 March. Zuva racho nderekuyeuka kufa kwaJesu. Pachapiwa hurukuro inobva muBhaibheri inotsanangura kuti rufu rwake rwunotibatsira sei uye vanhu havabhadhariswi kuzoiteerera. Pepa racho rinoratidza nzvimbo nenguva zvichaitwa musangano wacho munharaunda yedu.”
Nharireyomurindi March 1
“Vamwe vanobvunza kuti, ‘Tinozviziva sei kuti Jesu akamutswa zvechokwadi?’ Makambofungawo nezvazvo here? [Rega apindure.] Onai kuti sei kuziva mhinduro yemubvunzo iwoyo kuchikosha. [Verenga 1 VaKorinde 15:14.] Magazini ino inotsanangura kuti sei tiine chokwadi chokuti nyaya yokumutswa kwaJesu ndeechokwadi.”
Awake! March
“Munozvibvuma here kuti nguva yatiri kurarama yakaoma kurera vana? [Rega apindure.] Vabereki vakawanda vakawana mazano anobatsira muBhaibheri. Somuenzaniso, rugwaro rwuno rwunobatsira vanababa kuti vatsvake mikana yokurumbidza vana vavo uye kuita kuti vana vasazvitarisira pasi. [Verenga VaKorose 3:21.] Munyaya mune mazano mashanu anobatsira vanababa.”