Mharidzo Dzokuenzanisira
Mushandirapamwe Wokukoka Vanhu kuChirangaridzo
“Tiri kupa vanhu mapepa okuvakoka kuchiitiko chinokosha zvikuru. Musi wa14 April, mamiriyoni evanhu mupasi rose achaungana kuti vayeuke rufu rwaJesu Kristu uye kuti vanzwe hurukuro yeBhaibheri isingabhadharwi inotsanangura kuti rufu rwake runotibatsira sei. Pepa rino rinoratidza nzvimbo uye nguva zvichaitwa musangano wacho munzvimbo yedu.”
Nharireyomurindi April 1
“Tiri kushanya kwenguva pfupi kuti tikurukure nezvechimwe chinhu chinoitwa nevanhu vakawanda. Anenge munhu wose anonyengetera, pasinei nekuti ndewechitendero chipi. Munofunga kuti Mwari anopindura minyengetero here, kana kuti kunyengetera kunongoita kuti tinzwe zviri nani panyaya yematambudziko edu? [Rega apindure.] Onai kuti Bhaibheri rinoti chii nezvemunyengetero. [Verenga 1 Johani 5:14.] Magazini ino inotsanangura kuti munyengetero unotibatsira sei.”
Awake! April
“Tauya kuzokurukura nezvedambudziko rine vakawanda mazuva ano. Vamwe vanhu vari kunetseka zvikuru nezviri kuitika muupenyu hwavo zvokuti vakatofunga kuzviuraya. Munofunga kuti kana munhu achinetseka zvakadaro anenge achinyatsoda kufa here kana kuti anenge achingoda kuzorora pamatambudziko ake? [Rega apindure.] Onai vimbiso yeBhaibheri yakabatsira vakawanda kuti varambe vaine mafungiro akanaka. [Verenga Zvakazarurwa 21:3, 4.] Magazini ino inotaura zvikonzero zvitatu nei munhu achifanira kuramba achirarama pasinei nematambudziko aainawo.”