Mharidzo Dzokuenzanisira
Kutanga Zvidzidzo zveBhaibheri paMugovera Wokutanga Muna April
“Tiri kukurudzira vavakidzani vedu kuti vaverenge Bhaibheri. Asi vakawanda vanofunga kuti Bhaibheri rakaoma kunzwisisa. Imi munofungei? [Rega apindure.] Cherechedzai muone zvinotaurwa pano.” Muratidze peji 16 yeNharireyomurindi, yaApril 1, uye kurukurai mashoko ari pasi pemubvunzo wokutanga uye verengai runenge rugwaro rumwe chete pane aripo. Govera magazini acho, uye ronga kuzodzoka kuti muzokurukura mubvunzo unotevera.
Nharireyomurindi April 1
“Munhu wose watinotaura naye ane matambudziko aanawo. Izvi zviri kuita kuti vakawanda vatadze kuziva kuti chinangwa cheupenyu ndechei. Chii chamungati ndicho chiri kuita kuti vanhu vashaye mufaro mazuva ano? [Rega apindure.] Bhaibheri rinotivimbisa kuti Mwari achabvisa matambudziko atiri kusangana nawo nokukurumidza. [Verenga Zvakazarurwa 21:4.] Magazini ino inoratidza kuti ramangwana redu rakamira sei uyewo kuti tingaziva sei chinangwa choupenyu iye zvino.”
Awake! April
“Mhirizhonga mudzimba idambudziko riri kuwanika pasi rose. Vamwe vanoti zvinokonzerwa netsika dzemunhu, mhuri yaakabva uye kuvaraidzwa nezvinhu zvinoratidza vanhu vanenge vachirwisana. Munofunga kuti chii chaizvo chinoita kuti vanhu vaite mhirizhonga mudzimba? [Rega apindure.] Bhaibheri rinoratidza zvinofanira kuitwa pakati pemurume nemudzimai. [Verenga VaEfeso 5:33.] Magazini ino inoratidza kuti dzimwe wanano dzakabatsirwa sei nokushandisa mazano ari muBhaibheri.”