Mharidzo Dzokuenzanisira
Nharireyomurindi October 1
“Tiri kuratidza munhu wose Nharireyomurindi iyi ine nyaya inofarirwa nevakawanda. [Muratidze kavha yacho.] Vamwe vanhu vanofunga kuti kunyengetera kupedza nguva nekuti hapana anenge achiteerera. Vamwe vanotenda kuti Mwari anonzwa minyengetero yavo. Munotiwo chii? [Rega apindure.] Onai zvinotaurwa neBhaibheri nezvekunyengetera. [Verenga Isaya 30:19.] Magazini ino inotiudza zvinhu zvinoratidza kuti Mwari anonzwa uye anopindura minyengetero inoitwa nenzira yakarurama uye inoenderana nezvaanoda.”
Awake! October
“Tiri kushanyira vavakidzani vedu kwenguva pfupi nekuti vakawanda vanoda kuziva kuti nei Mwari achibvumira kutambura. Munofunga kuti zvakaipa here kubvunza Mwari zvinhu zvakadaro? [Rega apindure.] Murume anga akatendeka Jobho akataura kuti aida kubvunza Mwari. [Verenga Jobho 23:3-5.] Magazini ino inotaura nezvemibvunzo mitatu iyo vakawanda vangada kubvunza Mwari kudai vaizowana mukana wakadaro, uye mhinduro dzinogutsa dzinobva muBhaibheri.”