NYAYA YEKUDZIDZA 14
RWIYO 8 Jehovha Inzvimbo Yedu Yekupotera
“Zvisarudzirei . . . Wamuchashumira”
“Ini neimba yangu, tichashumira Jehovha.”—JOSH. 24:15.
ZVATICHADZIDZA
Tichadzidza nezvezvikonzero zvakaita kuti tisarudze kushumira Jehovha.
1. Chii chatinofanira kuita kana tichida kunyatsofara muupenyu, uye nei zvakadaro? (Isaya 48:17, 18)
BABA vedu vekudenga vanotida chaizvo uye vanoda kuti tinakidzwe neupenyu iye zvino uye mune ramangwana. (Mup. 3:12, 13) Vakatisika tichikwanisa kuita zvimwe zvinhu zvinoshamisa. Asi havana kutisika tichikwanisa kuzvitonga kana kuzvisarudzira zvakanaka nezvakaipa. (Mup. 8:9; Jer. 10:23) Jehovha anoziva kuti kana tichida kunyatsofara tinofanira kumushumira uye kurarama maererano nemitemo yake.—Verenga Isaya 48:17, 18.
2. Satani anoda kuti tifungei, asi Jehovha akasarudza kuitei?
2 Satani anoda kuti tifunge kuti tinokwanisa kufara tisingashumiri Jehovha uye kuti vanhu vanokwanisa kuzvitonga. (Gen. 3:4, 5) Kuti aratidze kuti Satani ainyepa, Jehovha akasiya vanhu vachizvitonga kwekanguva. Uye zviri pachena kuti utongi hwevanhu hausi kubudirira. Asi muMagwaro tinoverenga nezvevarume nevakadzi vaifara muupenyu nekuti vaishumira Jehovha. Jesu Kristu ndiye aifara kuvapfuura vese. Ngatitangei nekukurukura kuti nei Jesu akasarudza kushumira Jehovha. Tichabva tazoona kuti nei Baba vedu vekudenga vakakodzera kunamatwa, tozopedzisira nekukurukura zvimwe zvakaita kuti tisarudze kushumira Jehovha.
NEI JESU AKASARUDZA KUSHUMIRA JEHOVHA?
3. Satani akaudza Jesu kuti aitei, asi Jesu akasarudzei?
3 Paaiva panyika, Jesu aifanira kusarudza waaizoshumira. Jesu achangobva kubhabhatidzwa, Satani akamuudza kuti aizomupa umambo hwese hwepanyika kana akangomunamata kamwe chete. Jesu akapindura Satani achiti: “Ibva, Satani! Nekuti zvakanyorwa kuti: ‘Jehovha Mwari wako ndiye waunofanira kunamata, uye ndiye ega waunofanira kuitira basa dzvene.’” (Mat. 4:8-10) Nei Jesu akasarudza kushumira Jehovha? Ngatikurukurei zvimwe zvikonzero zvacho.
4-5. Ndezvipi zvimwe zvikonzero zvakaita kuti Jesu asarudze kushumira Jehovha?
4 Chikonzero chikuru chakaita kuti Jesu asarudze kushumira Jehovha ndechekuti anoda chaizvo Baba vake. (Joh. 14:31) Uyewo Jesu anoshumira Jehovha nekuti ndizvo zvakarurama. (Joh. 8:28, 29; Zvak. 4:11) Anoziva kuti upenyu hunobva kuna Jehovha uye kuti Jehovha akavimbika. Anozivawo kuti ndiye akatipa zvinhu zvese zvakanaka zvatiinazvo. (Pis. 33:4; 36:9; Jak. 1:17) Jehovha aigara achitaura chokwadi kuna Jesu uye ndiye akamupa zvinhu zvese zvaaiva nazvo. (Joh. 1:14) Asi Satani akasiyana zvachose naJehovha. Ndiye akaita kuti vanhu vave nechivi uye vafe. Satani murevi wenhema uyo ane makaro uye anongofunga zvakamunakira. (Joh. 8:44) Nemhaka yekuti Jesu ainyatsoziva izvi, haana kumbobvira apandukira Jehovha sezvakaita Satani.—VaF. 2:5-8.
5 Chimwe chikonzero chakaita kuti Jesu asarudze kushumira Jehovha ndechekuti aifunga nezvekuti kushumira kwaaizoita akavimbika kwaizoguma nei. (VaH. 12:2) Aiziva kuti kana akaramba akatendeka aizotsvenesa zita raBaba vake opa chibayiro chaizoita kuti chivi nerufu zvibviswe zvachose.
NEI JEHOVHA AKAKODZERA KUNAMATWA?
6-7. Nei vanhu vakawanda mazuva ano vasingashumiri Jehovha, asi nei Jehovha akakodzera kunamatwa?
6 Vakawanda mazuva ano havashumiri Jehovha nekuti havasati vasvika pakuziva kunaka kwake uyewo havazivi zvese zvaakavaitira. Vakafanana nevanhu vakaparidzirwa naPauro muAtene. Vanhu ivavo vaisaziva Mwari.—Mab. 17:19, 20, 30, 34.
7 Pauro akavatsanangurira kuti Mwari wechokwadi “ndiye anopa vanhu vese upenyu nemweya wekufema nezvinhu zvese.” Akatiwo: “Ndiye akaita kuti tive neupenyu, tifambe uye tivepo.” Mwari ndiye Musiki “akaita marudzi ese evanhu kubva pamunhu mumwe chete,” saka ndiye akakodzera kunamatwa.—Mab. 17:25, 26, 28.
8. Jehovha haasi kuzombofa akaitei? Tsanangura.
8 Sezvo ari iye Musiki uye Changamire wezvinhu zvese, Jehovha aigona kumanikidza vanhu kuti vamushumire. Asi Jehovha haasi kuzombofa akaita izvozvo. Pane kudaro, anotipa uchapupu hunoratidza kuti ariko zvechokwadi uye kuti anoda mumwe nemumwe wedu chaizvo. Anoda kuti vanhu vakawanda sezvinobvira vave shamwari dzake nekusingaperi. (1 Tim. 2:3, 4) Saka Jehovha anotibatsira kuti tidzidzise vamwe nezvezvinangwa zvake uye kuti tivaudze pamusoro pezvinhu zvakanaka zvaachaitira vanhu. (Mat. 10:11-13; 28:19, 20) Akaitawo kuti pave neurongwa hweungano uye kuti muungano imwe neimwe muve nevakuru vanotibatsira.—Mab. 20:28.
9. Jehovha anoratidza sei kuti anoda vanhu vese?
9 Tinonyatsoona rudo rwaJehovha runoshamisa pamabatiro aanoita vaya vasingatendi kuti ariko. Chimbofunga izvi: Kubvira kare, mabhiriyoni evanhu ari kusarudza kuita zvaanofunga kuti zvakanaka panzvimbo pekuteerera Jehovha. Kunyange zvakadaro, Jehovha anopa vanhu ivavo zvese zvavanoda kuti vakwanise kurarama uye vanakidzwe neupenyu. (Mat. 5:44, 45; Mab. 14:16, 17) Anovapawo mukana wekuva neshamwari uye mhuri dzinovada, kurera vana, kushanda uye kunakidzwa neupenyu. (Pis. 127:3; Mup. 2:24) Zviri pachena kuti Baba vedu vekudenga vanoda munhu wese. (Eks. 34:6) Iye zvino regai timbozviyeuchidza kuti nei tichisarudza kushumira Jehovha uye kuti iye anokomborera sei vaya vanosarudza kumushumira.
NEI TICHISARUDZA KUSHUMIRA JEHOVHA?
10. (a) Ndechipi chinhu chikuru chinoita kuti tishumire Jehovha? (Mateu 22:37) (b) Wakabatsirwa sei nekuregererwa kwawakaitwa naJehovha? (Pisarema 103:13, 14)
10 Kungofanana naJesu, chinhu chikuru chinoita kuti tishumire Jehovha kumuda kwatinoita zvinobva pamwoyo. (Verenga Mateu 22:37.) Patinodzidza nezvekunaka kwakaita Jehovha tinonzwa tichida kuswedera pedyo naye. Semuenzaniso, funga nezvekuregerera kwaanotiita. VaIsraeri pavasina kumuteerera, Jehovha akavateterera achiti: “Ndapota tendeukai panzira yenyu yakaipa.” (Jer. 18:11) Jehovha anoyeuka kuti tiri guruva, kureva kuti tiri vanhu vanokanganisa. (Verenga Pisarema 103:13, 14.) Paunofunga nezvekuregererwa kwawakaitwa naJehovha, haunzwi here uchida kumushumira nekusingaperi?
11. Ndezvipi zvimwe zvinoita kuti tisarudze kushumira Baba vedu vekudenga?
11 Tinodawo kushumira Jehovha nekuti ndizvo zvakarurama. (Mat. 4:10) Uyewo tinoziva kuti kana tikaramba takavimbika kwaari zvichaguma nei. Kana tikaramba takatendeka tichatsvenesa zita raJehovha, ticharatidza kuti Dhiyabhorosi murevi wenhema, uyewo tichaita kuti mwoyo waBaba vedu ufare. Uye kana tikasarudza kushumira Jehovha iye zvino, tichava nemukana wekumushumira nekusingaperi!—Joh. 17:3.
12-13. Tinodzidzei kubva pane zvakaitika kuna Jane naPam?
12 Tinogona kudzidza kuda Jehovha tichiri vadiki uye totowedzera kuramba tichimuda patinenge tichikura. Funga zvakaitika kuna Jane nemunin’ina wake Pam.a Jane aiva nemakore 11 uye Pam aiva nemakore 10 pavakatanga kudzidza Bhaibheri. Kunyange zvazvo vabereki vavo vakanga vasingadi zvekudzidza, vakabvumidza Jane naPam kuti vadzidze neZvapupu. Asi vakavaudza kuti vaifanirawo kuramba vachienda nevamwe vemumhuri yavo kuchechi. Jane anoti: “Zvandakadzidziswa neZvapupu kubva muBhaibheri zvakandibatsira kuti ndisaita zvemadhiragi uye zveunzenza zvaiitwa nevamwe vezera rangu.”
13 Pashure pemakore mashoma, vasikana vaviri ava vakava vaparidzi. Nekufamba kwenguva, vakatanga kupayona uku vachichengeta vabereki vavo vakanga vakwegura. Achifunga zvakaitika muupenyu hwavo, Jane anoti: “Ndakazvionera ndega kuti Jehovha ane hanya neshamwari dzake. Uye sezvinotaurwa pana 2 Timoti 2:19, ‘Jehovha anoziva kuti vake ndevapi.’” Zviri pachena kuti Jehovha anochengeta vaya vanomuda uye vanosarudza kumushumira!
14. Zvatinotaura uye zvatinoita zvinoratidza sei kuti tinoda kureverera zita raJehovha? (Onawo mifananidzo.)
14 Tinoda kuti vanhu vese vazive chokwadi nezvaJehovha. Chimbofunga izvi: Ngatitii une shamwari yako yepedyo inobata vamwe zvakanaka, ine rupo uye inoregerera. Rimwe zuva unonzwa mumwe munhu achitaura kuti shamwari yako ine utsinye uye haina kutendeka. Unoita sei? Unoreverera shamwari yako nekutaura zvakanaka nezvayo. Saizvozvowo, Satani nevaya vanomuteerera pavanoedza kusvibisa zita raJehovha nekutaura zvenhema nezvake, tinoreverera Jehovha nekutaura chokwadi nezvezita rake. (Pis. 34:1; Isa. 43:10) Tinoratidza kuti tinoda kushumira Jehovha nemweya wese nezvatinotaura uye nezvatinoita.
Uchabatsirawo pakureverera zita raJehovha here? (Ona ndima 14)b
15. Muapostora Pauro akabatsirwa sei nekuchinja zvinangwa zvake muupenyu? (VaFiripi 3:7, 8)
15 Tinochinja zvinangwa zvedu muupenyu nekuti tinoda kufadza Jehovha uye tinoda kuita zvakawanda pakumushumira. Semuenzaniso, muapostora Pauro aiva nechinzvimbo chinokosha muchitendero chechiJudha. Asi akasiya chitendero ichocho kuti akwanise kushumira Jehovha semudzidzi waKristu. (VaG. 1:14) Izvozvo zvakaita kuti ararame upenyu hunonakidza uye ave nemukana wekutonga naKristu kudenga. Haana kumbobvira ademba chisarudzo chaakaita chekushumira Jehovha, uye kana tikasarudzawo kushumira Jehovha hatizombozvidembi.—Verenga VaFiripi 3:7, 8.
16. Wadzidzei kubva pane zvakaitika kuna Julia? (Onawo mifananidzo.)
16 Kana tikaita kuti kushumira Jehovha kuve pekutanga muupenyu, Jehovha achatikomborera iye zvino uye mune ramangwana. Funga zvakaitika kune imwe hanzvadzi inonzi Julia. Asati adzidza chokwadi, Julia aiimba mukwaya yekuchechi yaaipinda kubvira achiri mudiki. Aigona kuimba zvekuti akatanga kudzidziswa kuti ave muimbi wemusambo weopera. Julia akava nemukurumbira uye akatanga kuimba munzvimbo dzaizivikanwa. Paaidzidza pane chimwe chikoro chine mukurumbira chinoita zvemimhanzi, mumwe waaidzidza naye akatanga kumudzidzisa nezvaMwari uye akamutsanangurira kuti Mwari ane zita rekuti Jehovha. Pasina nguva, Julia akatanga kudzidza Bhaibheri kaviri pavhiki. Akazosarudza kushandisa upenyu hwake kushumira Jehovha panzvimbo pekuva muimbi weopera. Chisarudzo ichocho chakanga chisiri nyore kuita. Anoti: “Vanhu vakawanda vaindiudza kuti ndaitambisa chipo changu, asi inini ndaida kushandisa upenyu hwangu kushumira Jehovha.” Anonzwa sei nezvechisarudzo ichocho chaakaita makore 30 adarika? Anoti: “Ndine rugare rwemupfungwa, uye ndinovimba kuti Jehovha achazadzisa zvido zvemwoyo wangu mune ramangwana.”—Pis. 145:16.
Patinoita kuti kushumira Jehovha kuve pekutanga muupenyu hwedu, Jehovha anotikomborera (Ona ndima 16)c
RAMBA UCHISHUMIRA JEHOVHA
17. Kuziva kuti tiri kurarama kumagumo kwenyika ino kunofanira kuita kuti vaya vakasarudza kushumira Mwari uye vaya vasati vadaro vaitei?
17 Tiri kurarama kumapeto kwemagumo enyika ino. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Nekuti kwangosara ‘nguva pfupi’ kuti ‘uya anouya asvike uye haazononoki.’” (VaH. 10:37) Izvozvo zvinorevei? Zvinoreva kuti kwangosara nguva pfupi kuti vanhu vasarudze kushumira Jehovha saka vanofanira kuita chisarudzo nekukurumidza. (1 VaK. 7:29) Uye kana takatosarudza kushumira Mwari, tinoziva kuti kunyange zvazvo tiri kutsungirira matambudziko iye zvino, “kwangosara nguva pfupi” kuti apere.
18. Jesu naJehovha vanoda kuti tiitei?
18 Jesu akakurudzira vanhu kuti vave vadzidzi vake uye kuti varambe vachimutevera. (Mat. 16:24) Saka kana tava nemakore tichishumira Jehovha, ngatisakanda mapfumo pasi. Jehovha anoda kuti tishande nesimba kuti tirarame zvinoenderana nechisarudzo chedu chekumushumira. Zvingasava nyore asi kana tikaramba tichishumira Jehovha, tichawana mufaro uye makomborero akawanda kunyange iye zvino!—Pis. 35:27.
19. Tinodzidzei kubva pane zvakaitika kuna Gene?
19 Vamwe vanofunga kuti kana vakashumira Jehovha havakwanisi kunakidzwa neupenyu. Kana uchiri wechidiki, unombonzwa here sekuti kushumira Jehovha kuri kukutadzisa kufara? Imwe hama yechidiki inonzi Gene inoti: “Ndainzwa sekuti kuva Chapupu chaJehovha kwainditadzisa kunyatsonakidzwa neupenyu. Zvaiita sekuti vakawanda vezera rangu vainakidzwa nekuenda kumapati, kuita zvevasikana kana kuti kutamba mavhidhiyo gemhu ane zvemhirizhonga, asi inini ndainzi ndiende kumisangano uye ndiite basa rekuparidza.” Izvi zvakakanganisa sei Gene? Anoti: “Ndakatanga kuitawo zvimwe zvakaipa zvaiitwa nevezera rangu uye ndakambonakidzwa kwekanguva. Asi izvozvo hazvina kundipa mufaro wechokwadi. Ndakatanga kufunga nezvekubatsirwa kwatinoitwa kana tikateerera zvinotaurwa neBhaibheri uye ndakasarudza kushumira Jehovha nemwoyo wese. Kubvira ipapo, ndiri kuona sekuti Jehovha ari kupindura minyengetero yangu yese.”
20. Tinofanira kuva nechido chekuitei?
20 Mumwe munyori wemapisarema akaimbira Jehovha achiti: “Anofara munhu wamunosarudza uye wamunoswededza pedyo kuti agare muzvivanze zvenyu.” (Pis. 65:4) Dai tese tikava nechido chekuramba tichishumira Jehovha sezvakaita Joshua uyo akati: “Ini neimba yangu, tichashumira Jehovha.”—Josh. 24:15.
RWIYO 28 Kuva Shamwari yaJehovha
a Mamwe mazita akachinjwa.
b KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO: Pashure pekunge mumwe mukadzi anzwa zviri kutaurwa nevanhu vanopikisa Zvapupu avo vakamira panzvimbo iri kuitirwa gungano, anobva aenda pachingoro kuti anzwe chokwadi.
c KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Mifananidzo iyi iri kutibatsira kufungidzira chisarudzo chakaitwa naJulia kuti akwanise kushumira Jehovha.